Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji.Then we turned, and took our journey into the wilderness by the way of the Red sea, as the LORD spake unto me: and we compassed mount Seir many days.
Zvino Jehovha akataura neni, akati,And the LORD spake unto me, saying,
‘Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.'Ye have compassed this mountain long enough: turn you northward.
Raira vanhu, uti, `Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana vaEsau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjeraiAnd command thou the people, saying, Ye are to pass through the coast of your brethren the children of Esau, which dwell in Seir; and they shall be afraid of you: take ye good heed unto yourselves therefore:
Musavavamba, nokuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake.Meddle not with them; for I will not give you of their land, no, not so much as a footbreadth; because I have given mount Seir unto Esau for a possession.
Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, munwe.Ye shall buy meat of them for money, that ye may eat; and ye shall also buy water of them for money, that ye may drink.
Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.'For the LORD thy God hath blessed thee in all the works of thy hand: he knoweth thy walking through this great wilderness: these forty years the LORD thy God hath been with thee; thou hast lacked nothing.
Naizvozvo takapfuura hama dzedu, vana vaEsau, vagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEZiyoni-gebheri. Takadzoka, tikapfuura nenzira yokurenje rokwaMoabhu.And when we passed by from our brethren the children of Esau, which dwelt in Seir, through the way of the plain from Elath, and from Ezion-gaber, we turned and passed by the way of the wilderness of Moab.
Zvino Jehovha akati kwandiri, `Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nokuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nokuti ndakapa Ari kuvana vaRoti, ive yavo.'And the LORD said unto me, Distress not the Moabites, neither contend with them in battle: for I will not give thee of their land for a possession; because I have given Ar unto the children of Lot for a possession.
(Kare vaEmi vakanga vageremo, vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu, savaAnaki;The Emims dwelt therein in times past, a people great, and many, and tall, as the Anakims;
vanonzi vorudzi rwavaRefaimu, savaAnaki, asi vaMoabhu vanovaidza vaEmi.Which also were accounted giants, as the Anakims; but the Moabites call them Emims.
NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)The Horims also dwelt in Seir beforetime; but the children of Esau succeeded them, when they had destroyed them from before them, and dwelt in their stead; as Israel did unto the land of his possession, which the LORD gave unto them.
Zvino simukai, muyambuke rukova Zeredhi. Tikayambuka rukova Zeredhi.Now rise up, said I, and get you over the brook Zered. And we went over the brook Zered.
Zvino mazuva okubva kwedu paKadheshi-bharinea kusvikira tayambuka rukova Zeredhi, aiva makore makumi matatu namasere; kusvikira rudzi rwose rwavarume vehondo vaparadzwa pakati pemisasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha.And the space in which we came from Kadesh-barnea, until we were come over the brook Zered, was thirty and eight years; until all the generation of the men of war were wasted out from among the host, as the LORD sware unto them.
Uye ruoko rwaJehovhawo rwairamba ruchirwa navo, kuti vaparadzwe pakati pemisasa kusvikira vapera.For indeed the hand of the LORD was against them, to destroy them from among the host, until they were consumed.
Zvino varume vose vehondo vakati vapera nokufa pakati pavanhu,So it came to pass, when all the men of war were consumed and dead from among the people,
Jehovha akataura neni, akati,That the LORD spake unto me, saying,
‘Nhasi unofanira kupfuura napaAri, pamuganhu waMoabhu;Thou art to pass over through Ar, the coast of Moab, this day:
kana woswedera pakatarisana navana vaAmoni, usarwa navo, kana kuvavamba; nokuti handingakupi nyika yavana vaAmoni, ive yako; nokuti ndakaipa vana vaRoti, ive yavo.'And when thou comest nigh over against the children of Ammon, distress them not, nor meddle with them: for I will not give thee of the land of the children of Ammon any possession; because I have given it unto the children of Lot for a possession.
Naiyowo yainzi inyika yavaRefaimu; vaRefaimu vakanga vageremo kare; asi vaAmoni vaivaidza vaZamuzumi;(That also was accounted a land of giants: giants dwelt therein in old time; and the Ammonites call them Zamzummims;
vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu savaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo;A people great, and many, and tall, as the Anakims; but the LORD destroyed them before them; and they succeeded them, and dwelt in their stead:
sezvaakaita navana vaEsau, vanogara Seiri, nguva yaakaparadza vaHori pamberi pavo, ivo vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo kusvikira nhasi;As he did to the children of Esau, which dwelt in Seir, when he destroyed the Horims from before them; and they succeeded them, and dwelt in their stead even unto this day:
vaAvhi, vakanga vagere mumisha kusvikira Gaza, vakaparadzwa navaKafitori, vakabva Kafitori, vakagara panzvimbo yavo.And the Avims which dwelt in Hazerim, even unto Azzah, the Caphtorims, which came forth out of Caphtor, destroyed them, and dwelt in their stead.)
Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arinoni; tarirai, ndakaisa mumaoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kuitora, muvambe kurwa naye.Rise ye up, take your journey, and pass over the river Arnon: behold, I have given into thine hand Sihon the Amorite, king of Heshbon, and his land: begin to possess it, and contend with him in battle.
Nhasi ndichatanga kuvhundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi pedenga rose pamusoro penyu, ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu, vachabvunda nokutya kwazvo pamusoro penyu.This day will I begin to put the dread of thee and the fear of thee upon the nations that are under the whole heaven, who shall hear report of thee, and shall tremble, and be in anguish because of thee.
Zvino ndakatuma nhume mbiri murenje reKedhemoti, kuna Sihoni, mambo weHeshibhoni, namashoko orugare, ndichiti,And I sent messengers out of the wilderness of Kedemoth unto Sihon king of Heshbon with words of peace, saying,
‘Nditendere kupfuura nomunyika yako, ndichafamba nenzira huru, handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.Let me pass through thy land: I will go along by the high way, I will neither turn unto the right hand nor to the left.
Munganditengesera zvokudya nemari, ndidye; mungandipa mvura ndichiripa nemari, ndinwe, asi nditenderei henyu kupfuura namakumbo;Thou shalt sell me meat for money, that I may eat; and give me water for money, that I may drink: only I will pass through on my feet;
sezvandakaitirwa navana vaEsau vagere Seiri, navaMoabhu, vagere Ari; kusvikira ndayambuka Jorodhani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.'(As the children of Esau which dwell in Seir, and the Moabites which dwell in Ar, did unto me;) until I shall pass over Jordan into the land which the LORD our God giveth us.
Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza moyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.But Sihon king of Heshbon would not let us pass by him: for the LORD thy God hardened his spirit, and made his heart obstinate, that he might deliver him into thy hand, as appeareth this day.
Zvino Jehovha akati kwandiri, `Tarira, ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; tanga kutora, kuti nyika ive yako.'And the LORD said unto me, Behold, I have begun to give Sihon and his land before thee: begin to possess, that thou mayest inherit his land.
Ipapo Sihoni akauya, iye navanhu vake vose kuzorwa nesu paJahazi.Then Sihon came out against us, he and all his people, to fight at Jahaz.
Jehovha Mwari wedu akamuisa mumaoko edu, tikamukunda, iye navana vake, navanhu vake vose.And the LORD our God delivered him before us; and we smote him, and his sons, and all his people.
Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe.And we took all his cities at that time, and utterly destroyed the men, and the women, and the little ones, of every city, we left none to remain:
Asi zvipfuwo zvoga takazvitora zvive zvedu zvatakatapa, pamwechete nezvatakapamba pamaguta atakakunda.Only the cattle we took for a prey unto ourselves, and the spoil of the cities which we took.
Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Giriyadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;From Aroer, which is by the brink of the river of Arnon, and from the city that is by the river, even unto Gilead, there was not one city too strong for us: the LORD our God delivered all unto us:
asi hamuna kuswedera kunyika yavana vaAmoni; kurutivi rwose rworwizi Jabhoki, namaguta enyika yamakomo, napose patakanga tadziviswa naJehovha Mwari wedu.Only unto the land of the children of Ammon thou camest not, nor unto any place of the river Jabbok, nor unto the cities in the mountains, nor unto whatsoever the LORD our God forbad us.