Bhaibheri

Dheuteronomio 14

Deuteronomy 14 · 29 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1imwi muri vana vaJehovha Mwari wenyu; musazvitema,kana kuzviveura pakati pameso pamusoro pavakafa.

2Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha wakakutsaura pakati pendudzi dzose dzavanhu vari panyika, kuti uve rudzi rwake chairwo.

3Usadya chinhu chipi nechipi chinonyangadza.

4Mhuka dzamungadya ndidzo: Mombe, negwai, nembudzi;

5nenondo, nemhara, nemhembwe, netsoma, nemharapara, nenyati, nengururu.

6Mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana, ine tsoka dzakaparadzana, inodzeya, ndidzo dzamungadya henyu.

7Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;

8nenguruve; nokuti ina mahwanda akaparadzana, asi haidzeyi; haina kunaka kwamuri; musadya nyama yadzo, uye musabata zvitunha zvadzo.

9Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvimbi namakwande mungazvidya;

10asi zvose zvisina zvimbi namakwande, musazvidya izvo, hazvina kunaka kwamuri.

11Mungadya shiri dzose dzakanaka.

12Asi dzamusingafaniri kudya ndidzo: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;

13norukodzi, nenjerere, noruvangu namarudzi arwo;

14namarudzi ose amakunguvo;

15nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;

16nezizi duku, nezizi guru, nejichidza,

17nehukurwizi, negora, nekanyurura-hove;

18nezimudo, nekondo, namarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.

19Zvose zvina mapapiro zvinokambaira zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri; hazvifaniri kudyiwa.

20Asi shiri dzose dzakanaka mungadzidya henyu.

21Musadya chinhu chakan’ora choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

22Utsaure zvakanaka zvegumi zvezvibereko zvose zvembeu dzako, dzinobva mumunda mako gore rimwe nerimwe.

23Unofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo yaachatsaura kugarisa zita rakepo, zvegumi zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nezvavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.

24Kana nzira iri kuresa, ukasagona kuzvisvitsako, nokuti nzvimbo iyo yawakatsaurirwa naJehovha Mwari wako, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, kana Jehovha Mwari wako akakuropafadza,

25unofanira kuzvitengesa nemari, ndokubata mari mumaoko ako, ugoenda kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako,

26ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikanwa nomoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinobata, kana zvose zvinoreva moyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.

27Uye muRevhi uri mukati mamasuo ako, usamukanganwa, nokuti haana mugove kana nhaka newe.

28Nguva dzose kana makore matatu apera, unofanira kuuya nezvegumi zvose zvezvibereko zvako zvegore iro, ugozvichengeta mukati mamasuo ako.

29Zvino muRevhi, zvaasina mugove kana nhaka newe, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mumasuo ako, vanofanira kuuya kuzodya, vagute; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose aunoita namaoko ako.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.