Dheuteronomio 15
Deuteronomy 15 · 23 verses
1Nguva dzose kana makore manomwe apera munofanira kuva nesununguro.
2Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwerete, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nokuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.
3Ungazvireva kumutorwa; asi zvose zvako zviri paruoko rwehama yako, unofanira kuzvisunungura.
4Asi usava navarombo pakati pako (nokuti zvirokwazvo, Jehovha uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako),
5kana uchingoshingaira kwoga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi.
6Nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwerete, asi iwe usatora chikwerete; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.Varombo navaranda
7Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako;
8asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwerete zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira.
9Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumoyo mako, uchiti, `Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedo,' iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.
10Unofanira kumupa zvakanaka, moyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako.
11Nokuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, `Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.'
12Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake.
13Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu.
14Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.
15Unofanira kurangarira iwe kuti wakanga uri muranda munyika Jehovha Mwari wako akakudzikunura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi.
16Asi kana akati kwauri, `Handidi hangu kubva kwamuri,' nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe,
17ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi:. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo.
18Hazvifaniri kuita sokukusvibisa moyo wako kana muchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.
19Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako.
20Unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore rimwe nerimwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha, iwe nemhuri yako.
21Kana chakaremara, zvimwe chinokuremara kwokukamhina, kana upofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuchibayira Jehovha Mwari wako.
22Unofanira kuchidya mukati mamasuo ako; wakanaka nousina kunaka vose vanofanira kuchidya, sezvavanodya mhara nenondo.
23Asi urege kudya ropa racho, unofanira kuriteurira pasi semvura.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.