Zvino kana wapinda panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, ikava yako, ukagaramo;And it shall be, when thou art come in unto the land which the LORD thy God giveth thee for an inheritance, and possessest it, and dwellest therein;
unofanira kutora zvitsva zvezvibereko zvose zvenyika, zvaunowana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ndokuzviisa mudengu, ndokuenda nazvo kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarisepo zita rake.That thou shalt take of the first of all the fruit of the earth, which thou shalt bring of thy land that the LORD thy God giveth thee, and shalt put it in a basket, and shalt go unto the place which the LORD thy God shall choose to place his name there.
Zvino uende kumupirisiti uchavapo pamazuva iwayo, uti kwaari, `Ndinoreva pachena nhasi pamberi paJehovha Mwari wako, kuti ndasvika panyika yakapikirwa madzibaba edu naJehovha, kuti uchatipa iyo.'And thou shalt go unto the priest that shall be in those days, and say unto him, I profess this day unto the LORD thy God, that I am come unto the country which the LORD sware unto our fathers for to give us.
Ipapo mupirisiti anofanira kutora dengu paruoko rwako, ndokurigadza pamberi pearitari yaJehovha Mwati. wako.And the priest shall take the basket out of thine hand, and set it down before the altar of the LORD thy God.
iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, `Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakanga oda kuparara, akaburukira Ijipiti, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, runesimba, runa vanhu vazhinji.And thou shalt speak and say before the LORD thy God, A Syrian ready to perish was my father, and he went down into Egypt, and sojourned there with a few, and became there a nation, great, mighty, and populous:
Valjipiti vakatiitira zvakaipa, nokutitambudza, vakatibatisa mabasa anorema.And the Egyptians evil entreated us, and afflicted us, and laid upon us hard bondage:
Ipapo takadana kuna Jehovha Mwari wamadzibaba edu, Jehovha akanzwa inzwi redu, akaona kutambudzika kwedu;And when we cried unto the LORD God of our fathers, the LORD heard our voice, and looked on our affliction, and our labour, and our oppression:
Jehovha akatibudisa paIjipiti neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso;And the LORD brought us forth out of Egypt with a mighty hand, and with an outstretched arm, and with great terribleness, and with signs, and with wonders:
akatisvitsa panzvimbo ino, akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.And he hath brought us into this place, and hath given us this land, even a land that floweth with milk and honey.
Zvino tarira, ndauya nezvitsva zvezvibereko zvenyika yamakandipa, imwi Jehovha.' Ipapo unofanira kuzviisa pasi pamberi paJehovha Mwari wako; ndokunamata pamberi paJehovha Mwari wako.And now, behold, I have brought the firstfruits of the land, which thou, O LORD, hast given me. And thou shalt set it before the LORD thy God, and worship before the LORD thy God:
Unofanira kufarira zvose zvakanaka, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako, iwe, naveimba yako, nomuRevhi, nomutorwa uri pakati pako.And thou shalt rejoice in every good thing which the LORD thy God hath given unto thee, and unto thine house, thou, and the Levite, and the stranger that is among you.
Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuo ako, vagute.When thou hast made an end of tithing all the tithes of thine increase the third year, which is the year of tithing, and hast given it unto the Levite, the stranger, the fatherless, and the widow, that they may eat within thy gates, and be filled;
Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, `Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikanganwa.Then thou shalt say before the LORD thy God, I have brought away the hallowed things out of mine house, and also have given them unto the Levite, and unto the stranger, to the fatherless, and to the widow, according to all thy commandments which thou hast commanded me: I have not transgressed thy commandments, neither have I forgotten them:
Handina kuzvidya pakuchema kwangu, kana kuviga zvimwe zvazvo, ndisina kunaka, kana kupa vakafa zvimwe zvazvo; ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu, ndikaita zvose zvamakandiraira.I have not eaten thereof in my mourning, neither have I taken away ought thereof for any unclean use, nor given ought thereof for the dead: but I have hearkened to the voice of the LORD my God, and have done according to all that thou hast commanded me.
Dotarirai muri paugaro hwenyu hutsvene, pakudenga, muropafadze vanhu venyu Isiraeri, nenyika yamakatipa, sezvamakapikira madzibaba edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.'Look down from thy holy habitation, from heaven, and bless thy people Israel, and the land which thou hast given us, as thou swarest unto our fathers, a land that floweth with milk and honey.
Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa, naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomoyo wako wose nomweya wako wose.This day the LORD thy God hath commanded thee to do these statutes and judgments: thou shalt therefore keep and do them with all thine heart, and with all thy soul.
Wapikisa Jehovha nhasi kuti ave Mwari wako, newe kuti unofanira kufamba munzira dzake, nokuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, uye kuti uchateerera inzwi rake.Thou hast avouched the LORD this day to be thy God, and to walk in his ways, and to keep his statutes, and his commandments, and his judgments, and to hearken unto his voice:
NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;And the LORD hath avouched thee this day to be his peculiar people, as he hath promised thee, and that thou shouldest keep all his commandments;
kuti akukurise kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.And to make thee high above all nations which he hath made, in praise, and in name, and in honour; and that thou mayest be an holy people unto the LORD thy God, as he hath spoken.