Dheuteronomio 27
Deuteronomy 27 · 26 verses
1Zvino Mozisi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.
2Zvino nomusi waunoyambuka Jorodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko;
3ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
4Zvino kana mayambuka Jorodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko.
5Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo.
6Unofanira kuvaka aritari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa.
7Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako.
8Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo.
9Zvino Mozisi navapirisiti navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako.
10Naizvozvo unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.
11Mozisi akaraira vanhu nomusi uyo, akati,
12Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jorodhani: Simiyoni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini.
13Uye ndivo vanofanira kunomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.
14Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nenzwi guru,
15Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.
16Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
17Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
18Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
19Ngaatukwe munhu unotongera Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
20Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
21Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
22Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
23Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
24Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
25Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
26Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.