Dheuteronomio 34
Deuteronomy 34 · 12 verses
1Zvino Mozisi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriyadhi, kusvikira Dhani;
2neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva;
3nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari.
4Zvino Jehovha akati kwaari, Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, `Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.'
5Ipapo Mozisi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha.
6Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori, asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
7Zvino Mozisi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.
8Vana vaIsiraeri vakachema Mozisi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mozisi akapera.
9Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mozisi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
10Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMozisi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana;
11pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose;
12napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMozisi valsiraeri vose vachizviona.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.