Bhaibheri

Joshua 1

Joshua 1 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Mozisi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi, akati,

2Mozisi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana valsiraeri.

3Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMozisi.

4Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu.

5Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMozisi; handingakuregi kana kukusiya.

6Simba, utsunge moyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.

7Asi usimbe nokutsunga moyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mozisi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda,

8Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo, nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.

9Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.

10Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati,

11Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, `Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.'

12Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati,

13Rangarirai shoko ramakarairwa naMozisi, muranda waJehovha, achiti, `Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.'

14Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMozisi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imwi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire;

15kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMozisi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.

16Vakapindura Joshua, vakati, Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo.

17Sezvataiteerera Mozisi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMozisi.

18Ani naani unomukira murayiro wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu pazvose zvamunoraira, iye uchaurayiwa; asi simbai mutsunge moyo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.