Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,And the LORD spake unto Moses, saying,
Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo.Speak unto the children of Israel, that they turn and encamp before Pi-hahiroth, between Migdol and the sea, over against Baal-zephon: before it shall ye encamp by the sea.
Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, `Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.'For Pharaoh will say of the children of Israel, They are entangled in the land, the wilderness hath shut them in.
Ndichaomesa moyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. Vakaita saizvozvo.And I will harden Pharaoh’s heart, that he shall follow after them; and I will be honoured upon Pharaoh, and upon all his host; that the Egyptians may know that I am the LORD. And they did so.
Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; moyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?And it was told the king of Egypt that the people fled: and the heart of Pharaoh and of his servants was turned against the people, and they said, Why have we done this, that we have let Israel go from serving us?
Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake;And he made ready his chariot, and took his people with him:
akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeIjipiti, dzina vatariri vadzo dzose.And he took six hundred chosen chariots, and all the chariots of Egypt, and captains over every one of them.
Jehovha akaomesa moyo waFarao, mambo weljipiti, akateverera vana vaIsiraeri, nokuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba.And the LORD hardened the heart of Pharaoh king of Egypt, and he pursued after the children of Israel: and the children of Israel went out with an high hand.
VaIjipiti vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni.But the Egyptians pursued after them, all the horses and chariots of Pharaoh, and his horsemen, and his army, and overtook them encamping by the sea, beside Pi-hahiroth, before Baal-zephon.
Zvino Farao akati asvika pedo, vana valsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.And when Pharaoh drew nigh, the children of Israel lifted up their eyes, and, behold, the Egyptians marched after them; and they were sore afraid: and the children of Israel cried out unto the LORD.
Vakati kuna Mozisi, Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paIjipiti?And they said unto Moses, Because there were no graves in Egypt, hast thou taken us away to die in the wilderness? wherefore hast thou dealt thus with us, to carry us forth out of Egypt?
Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, `Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.'Is not this the word that we did tell thee in Egypt, saying, Let us alone, that we may serve the Egyptians? For it had been better for us to serve the Egyptians, than that we should die in the wilderness.
Zvino Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.And Moses said unto the people, Fear ye not, stand still, and see the salvation of the LORD, which he will shew to you to day: for the Egyptians whom ye have seen to day, ye shall see them again no more for ever.
Jehovha achakurwirai, imwi munofanira kunyarara henyu.The LORD shall fight for you, and ye shall hold your peace.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana valsiraeri kuti vapfuurire mberi.And the LORD said unto Moses, Wherefore criest thou unto me? speak unto the children of Israel, that they go forward:
Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana vaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa.But lift thou up thy rod, and stretch out thine hand over the sea, and divide it: and the children of Israel shall go on dry ground through the midst of the sea.
Tarira, ndichaomesa moyo yavaIjipiti, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.And I, behold, I will harden the hearts of the Egyptians, and they shall follow them: and I will get me honour upon Pharaoh, and upon all his host, upon his chariots, and upon his horsemen.
Ipapo vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.And the Egyptians shall know that I am the LORD, when I have gotten me honour upon Pharaoh, upon his chariots, and upon his horsemen.
Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo.And the angel of God, which went before the camp of Israel, removed and went behind them; and the pillar of the cloud went from before their face, and stood behind them:
Ikapinda pakati pemisasa yavaIjipiti nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose.And it came between the camp of the Egyptians and the camp of Israel; and it was a cloud and darkness to them, but it gave light by night to these: so that the one came not near the other all the night.
Zvino Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.And Moses stretched out his hand over the sea; and the LORD caused the sea to go back by a strong east wind all that night, and made the sea dry land, and the waters were divided.
Zvino vana valsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.And the children of Israel went into the midst of the sea upon the dry ground: and the waters were a wall unto them on their right hand, and on their left.
vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza.And the Egyptians pursued, and went in after them to the midst of the sea, even all Pharaoh’s horses, his chariots, and his horsemen.
Mangwanani Jehovha akatarira hondo yavaIjipiti, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaIjipiti.And it came to pass, that in the morning watch the LORD looked unto the host of the Egyptians through the pillar of fire and of the cloud, and troubled the host of the Egyptians,
Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaIjipiti vakazoti, Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaIjipiti.And took off their chariot wheels, that they drave them heavily: so that the Egyptians said, Let us flee from the face of Israel; for the LORD fighteth for them against the Egyptians.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.And the LORD said unto Moses, Stretch out thine hand over the sea, that the waters may come again upon the Egyptians, upon their chariots, and upon their horsemen.
Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare kwoedza; vaIjipiti vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza vaIjipiti mukati megungwa;And Moses stretched forth his hand over the sea, and the sea returned to his strength when the morning appeared; and the Egyptians fled against it; and the LORD overthrew the Egyptians in the midst of the sea.
mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivateverera; hakuna kusara kunyange nomumwe wavo.And the waters returned, and covered the chariots, and the horsemen, and all the host of Pharaoh that came into the sea after them; there remained not so much as one of them.
Asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.But the children of Israel walked upon dry land in the midst of the sea; and the waters were a wall unto them on their right hand, and on their left.
Jehovha akarwira vaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko avaIjipiti; vaIsiraeri vakaona vaIjipiti vakanga vafa pamhenderekedzo dzegungwa.Thus the LORD saved Israel that day out of the hand of the Egyptians; and Israel saw the Egyptians dead upon the sea shore.
Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMozisi muranda wake.And Israel saw that great work which the LORD did upon the Egyptians: and the people feared the LORD, and believed the LORD, and his servant Moses.