Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti, Ndichaimbira Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.Then sang Moses and the children of Israel this song unto the LORD, and spake, saying, I will sing unto the LORD, for he hath triumphed gloriously: the horse and his rider hath he thrown into the sea.
Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza.The LORD is my strength and song, and he is become my salvation: he is my God, and I will prepare him an habitation; my father’s God, and I will exalt him.
Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.The LORD is a man of war: the LORD is his name.
Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.Pharaoh’s chariots and his host hath he cast into the sea: his chosen captains also are drowned in the Red sea.
Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.The depths have covered them: they sank into the bottom as a stone.
Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi.Thy right hand, O LORD, is become glorious in power: thy right hand, O LORD, hath dashed in pieces the enemy.
Noumambo hwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi.And in the greatness of thine excellency thou hast overthrown them that rose up against thee: thou sentest forth thy wrath, which consumed them as stubble.
Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.And with the blast of thy nostrils the waters were gathered together, the floods stood upright as an heap, and the depths were congealed in the heart of the sea.
Muvengi akati, `Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.'The enemy said, I will pursue, I will overtake, I will divide the spoil; my lust shall be satisfied upon them; I will draw my sword, my hand shall destroy them.
Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.Thou didst blow with thy wind, the sea covered them: they sank as lead in the mighty waters.
Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?Who is like unto thee, O LORD, among the gods? who is like thee, glorious in holiness, fearful in praises, doing wonders?
Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.Thou stretchedst out thy right hand, the earth swallowed them.
Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikunura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro hwenyu utsvene.Thou in thy mercy hast led forth the people which thou hast redeemed: thou hast guided them in thy strength unto thy holy habitation.
Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia.The people shall hear, and be afraid: sorrow shall take hold on the inhabitants of Palestina.
Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kenani vakanyauka.Then the dukes of Edom shall be amazed; the mighty men of Moab, trembling shall take hold upon them; all the inhabitants of Canaan shall melt away.
Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka.Fear and dread shall fall upon them; by the greatness of thine arm they shall be as still as a stone; till thy people pass over, O LORD, till the people pass over, which thou hast purchased.
Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu.Thou shalt bring them in, and plant them in the mountain of thine inheritance, in the place, O LORD, which thou hast made for thee to dwell in, in the Sanctuary, O Lord, which thy hands have established.
Jehovha achabata ushe nokusingaperi.The LORD shall reign for ever and ever.
Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.For the horse of Pharaoh went in with his chariots and with his horsemen into the sea, and the LORD brought again the waters of the sea upon them; but the children of Israel went on dry land in the midst of the sea.
Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba.And Miriam the prophetess, the sister of Aaron, took a timbrel in her hand; and all the women went out after her with timbrels and with dances.
Miriami akavapindura akati, Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.And Miriam answered them, Sing ye to the LORD, for he hath triumphed gloriously; the horse and his rider hath he thrown into the sea.
Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.So Moses brought Israel from the Red sea, and they went out into the wilderness of Shur; and they went three days in the wilderness, and found no water.
Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara.And when they came to Marah, they could not drink of the waters of Marah, for they were bitter: therefore the name of it was called Marah.
Zvino vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Tichanweiko?And the people murmured against Moses, saying, What shall we drink?
Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo;And he cried unto the LORD; and the LORD shewed him a tree, which when he had cast into the waters, the waters were made sweet: there he made for them a statute and an ordinance, and there he proved them,
akati, Kana uchiteerera nomoyo wose inzwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.And said, If thou wilt diligently hearken to the voice of the LORD thy God, and wilt do that which is right in his sight, and wilt give ear to his commandments, and keep all his statutes, I will put none of these diseases upon thee, which I have brought upon the Egyptians: for I am the LORD that healeth thee.
Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.And they came to Elim, where were twelve wells of water, and threescore and ten palm trees: and they encamped there by the waters.