Bhaibheri

Ezekieri 23

Ezekiel 23 · 49 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,

2Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe;

3ivo vakapata muIjipiti, vakapata vachiri vaduku; mazamu avo akanyangatwa ipapo, minyatso yohumhandara hwavo yakabatwa-batwapo.

4Mazita avo akanga ari Ohora, mukuru, naOhoribha munun’una wake; ivo vakazova vangu, vakabereka vanakomana navanasikana. Zvino kana ari mazita avo, Samaria ndiOhora, Jerusaremu ndiOhoribha.

5Ohora wakapata, ari wangu, akadana navadikanwi vake, ivo vaAsiria vaigara pedo naye,

6vaifuka micheka mitema, vaiva vabati namadzishe, ose ari majaya anodikanwa, vatasvi vaifamba namabhiza.

7Iye akapata navo, ivo varume vakatsaurwa vose pakati peAsiria, zvino waizvisvibisa nezvifananidzo zvavose vaidikanwa naye.

8Uye haana kuzorega kupata kwake kwaakabva nako Ijipiti; nokuti varume vakavata naye achiri muduku, vakabatabata minyatso yohumhandara hwake, vakadurura hupombwe hwavo pamusoro pake.

9Naizvozvo ndakamuisa mumaoko avadikanwi vake, mumaoko avaAsiria, vaakadana navo.

10Ivo vakafukura kunyadza kwake, vakatora vanakomana navanasikana vake, vakamuuraya iye nomunondo, zita rake rikazosekwa pakati pavakadzi; nokuti vakamutonga.

11Zvino munun’una wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakanga akanyanya pakudana kwake navadikanwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata kwomukuru wake.

12Iye akadana navaAsiria, vaiva vabati namadzishe, vaigara pedo naye, vakafuka zvakaisvonaka kwazvo, vari vatasvi vanofamba namabhiza, ose ari majaya anodikanwa.

13Zvino ndakaona kuti wasvibiswa; ivo vose vakafamba nenzira imwe.

14Akawedzera kupata kwake; nokuti wakaona zvifananidzo zvavarume pamadziro, zviri zvifananidzo zvaKaradhea, zvakaitwa nomuti mutsvuku,

15vakasunga zviuno zvavo nebhanhire, vane ngowani dzemicheka pamisoro yavo, vose vakaita samachinda kana vachionekwa, vakafanana navaBhabhironi paKaradhea, iyo nyika yokuberekwa kwavo.

16Zvino wakati achivaona, akavada kwazvo, akatuma nhume kwavari paKaradhea.

17VaBhabhironi vakauya kwaari ari panhovo dzorudo, vakamusvibisa nohupombwe hwavo, iye akasvibiswa pamwechete navo, mweya wake ukazorambana navo.

18Zvino wakati afukura kupata kwake, nokufukura kunyadza kwake, mweya wangu ukarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nomukuru wake.

19Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeljipiti.

20Akadana zvikuru navadikanwi vake, vane nyama yakaita senyama yembongoro, uye zvinobudiswa navo zvakaita sezvinobudiswa namabhiza.

21Zvino ukayeudzwa zvakashata zvohuduku hwako, panguva yawakabatwa-batwa minyatso yako navaIjipiti nokuda kwamazamu ohumhandara hwako.

22Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, vakazorambwa nomweya wako, ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;

23vanoti, vaBhabhironi, navaKaradhea vose, Pekodhi naShoa naKoa, navaAsiria pamwechete navo, iwo majaya anodikanwa, vose vari vabati namadzishe, machinda navarume vane mbiri, vose vakatasva mabhiza.

24Vachauya kuzorwa newe nenhumbi dzokurwa, nengoro, nezvinofamba namakumbo engoro, neboka ravanhu vazhinji; vachazvirongedza kuzorwa newe nenhovo huru nenhovo duku nengowani kumativi ose; ini ndichavapa simba rokutonga, vakutonge nokutonga kwavo.

25Ndichamutsa godo rangu kuzorwa newe, ivo vakuitire hasha; vachabvisa mhino dzako nenzeve dzako, vakasara kwauri vachaurawa nomunondo, vachatora vanakomana vako navanasikana vako; vakasara kwauri vachapera nomoto.

26Vachakubvisirawo nguvo dzako, nokukutorera hukomba hwako hwakanaka.

27Saizvozvo ndichakugumisira zvakashata zvako nokupata kwako kwawakabva nako kunyika yeIjipiti, kuti urege kuzozvitarirazve nameso ako, kana kuzorangarira Ijipiti.

28Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuisa mumaoko avaunovenga, mumaoko aivo vakarambwa nomweya wako;

29ivo vachakuitira ruvengo, vachakutorera zvose zvawakabatira, vakakurega usina chawakafuka wakashama; kunyadza kwokupata kwako kuchafukurwa, zvakaipa zvako pamwechete nokupata kwako.'

30Uchaitirwa zvinhu izvi nemhaka yokuti wakapata namarudzi avanhu, uye nemhaka yokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvavo.

31Iwe wakafamba nenzira yomukuru wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.

32Zvanzi naIshe Jehovha, `Uchanwira pamukombe womukuru wako, wakadzika mukuru; uchasekwa nokudadirwa, nokuti iwe une zvizhinji zvirimo.

33Uchazara nokubatwa nokuchema; mukombe womukuru wako Samaria mukombe wokushamiswa nokuparadzwa.

34Uchaunwa nokuupedza chose, uchatsenga zvaenga zvawo, nokubvanzura mazamu ako; nokuti ndini ndakataura izvozvo,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

35Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakandikanganwa, ukandirasira shure kwako, naizvozvo chiva nemhosva yezvakashata zvako, neyokupata kwako.

36Jehovha akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, chitonga Ohora naOhoribha, uvazivise zvinonyangadza zvavo.

37Nokuti wakafeva, ropa riri pamaoko avo; wakafeva nezvifananidzo zvavo; vakapinzawo vanakomana vavo vavakandiberekera mumoto, kuti zvidyiwe nazvo.

38Vakandiitirawo chinhu ichi, vakasvibisawo nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, vakamhura maSabata angu.

39Nokuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.

40Makatumawo nhume kundodana varume vanobva kure nhume yakatumwako kwavari ivo vakauya, iwe ukazvishamba nokuda kwavo, ukazodza meso ako nomuti, nokuzvishongedza nezvishongo,

41ukagara panhovo dzakaisvonaka, dzakanga dzakagadzirirwa tafura pamberi padzo, pawakagadzika zvinonhuwira zvangu namafuta angu.

42Inzwi ravazhinji vakanga vachifara rakanga rinaye; zvino pamwechete navarume vakabva kuvazhinji, vakauya navakariri vedoro, vaibva kurenje, vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona dzakanaka pamisoro yavo.

43Zvino ndakati kuna iye akanga apera nokufeva kwake, Zvino vachaita hupombwe naye, naiye navo.

44Ipapo vakapinda kwaari, sezvavanopinda kuchifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora naOhoribha, ivo vakadzi vakashata.

45Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvifeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nokuti zvifeve, ropa riri pamaoko avo.

46Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichauyisa boka ravarwi kuzorwa navo, ndichavaregera kuti vadzungaidzwe kwose-kwose vapambwe.

47Boka iro richavataka namabwe, nokuvabaya neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo, nokupisa dzimba dzavo nomoto.

48Saizvozvo ndichagumisa zvakashata panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe kuti varege kutevera zvakashata zvenyu.

49Vachakutsivirai zvakashata zvenyu, imi muchava nezvivi zvezvifananidzo zvenyu, zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.