Ezekieri 24
Ezekiel 24 · 27 verses
1Zvino negore repfumbamwe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, nyora zita nezuva, rezuva iro rino. Mambo weBhabhironi akaswedera Jerusaremu nezuva irero.
3Ureve mufananidzo kuimba inondimukira, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, `Gadza gate, rigadze, udirewo mvura mariri;
4unganidziramo nhindi dzaro, ndindi dzose dzakanaka, chidya nebandauko, rizadze namapfupa akasanangurwa.
5Tora rakasanangurwa pakati pamakwai, nesvinga rehuni pasi pamapfupa, rivirise kwazvo, mapfupa aro abikwe mukati maro.'
6Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Guta reropa rine nhamo, negate rine ngura mukati maro, risina kubvisirwa ngura yaro! Budisamo nhindi imwe neimwe; rigere kutongerwa.
7Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.
8Ndakaisa ropa raro paruware rusine chinhu, rirege kufukidzwa, kuti hasha dzangu dzimutswe kuzotsiva.
9Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Guta rine ropa, rine nhamo! Ndichakurisawo svinga rehuni.
10Tutirai huni, pfutidzai moto, bikai nyama zvakanaka, kodzai muto, mapfupa atsve.
11Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere.
12Rakandinetsa nokubata zvikuru; kunyange zvakadaro ngura yaro haibvi mukati maro; ngura yaro ngaiiswe mumoto!
13Tsvina yako ine zvakashata; zvandakakunatsa, ukasanatswa, haungazonatswi patsvina yako, kusvikira ndanyaradza hasha dzangu pamusoro pako.
14Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15Zvino shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti,
16Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.
17Gomera, asi ngazvirege kunzwika, usachema wakafa; sungira zvishongo mumusoro wako, upfeke shangu dzako patsoka dzako; usapfumbira muromo wako, kana kudya zvokudya zvavanhu.
18Ipapo ndakataura navanhu mangwanani, madekwana mukadzi wangu akafa, ndikaita mangwanani sezvandakarayirwa.
19Zvino vanhu vakati kwandiri, Ko haungatiudziwo kuti zvinhu izvi zvinoti kudini kwatiri, zvaunoita zvakadaro here?
20Zvino ndikati kwavari, Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
21‘Taura neimba yaIsiraeri,' uti zvanzi naIshe Jehovha `Tarirai, ndichamhura imba yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikanwa nameso enyu, inonzwira tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurawa nomunondo.'
22Ipapo muchaita sezvandakaita ini, hamungapfumbiri miromo yenyu, kana kudya zvokudya zvavanhu.
23Zvishongo zvenyu zvichava pamisoro yenyu, neshangu dzenyu patsoka dzenyu; hamungachemi kana kuungudza, asi muchapera muzvakaipa zvenyu, muchigomerana.
24Saizvozvo Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; zvose zvaakaita iye, nemi muchazviitawo; kana zvichisvika, muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
25Zvino kana uriwe, mwanakomana womunhu, nomusi wandichavatorera simba ravo, ivo mufaro wechakanaka chavo, chinodikanwa nameso avo, icho chinodikanwa nemweya yavo, vanakomana vavo navanasikana vavo,
26ko nomusi uyo unopukunyuka haangauyi kwauri kuti akuudze izvozvo munzeve dzako here?
27Nomusi uyo muromo wako uchashamisirwa wakapukunyuka, uchataura, haungazovi mbeveve; saizvozvo uchava chiratidzo kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.