Bhaibheri

Ezekieri 28

Ezekiel 28 · 26 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,

2Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi nalshe Jehovha, `moyo wako zvawakazvikudza,' iwe ukati, `Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa,' kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako somoyo waMwari;

3tarira, unokunda Dhanyeri pakuchenjera kwako, hakuna chakavanzika chausingazivi iwe;

4wakazviwanira fuma nohuchenjeri hwako uye nokuziva kwako, ukazviwanira ndarama nesirivha muzvivigiro zvefuma yako;

5wakawedzera fuma yako nohuchenjeri hwako hukuru uye nokushambadzira kwako, moyo wako ukazvikudza nokuda kwefuma yako;

6naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvawakamisa moyo wako somoyo waMwari,'

7naizvozvo tarira, ndinouyisa vatorwa pamusoro pako, ivo vanotyisa pakati pamarudzi ose; vachavhomorera kunaka kwohuchenjeri hwako minondo yavo, vachasvibisa kubwinya kwako.

8Vachakuburusira kugomba; uchafa norufu rwavanourawa mumoyo wamakungwa.

9Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, `Ndini Mwari?' Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza.

10Uchafa norufu rwousina kudzingiswa namaoko avatorwa, nokuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

11Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,

12Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi nalshe Jehovha, `Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.'

13Wakanga uri paEdheni, mumunda waMwari; wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose, anoti, saridhio netopasi nedhaimani neberiri, neonikisi nejasipiri nesafiri nesimaragidhino nekaribhunikuri; ngoma dzako nenyere dzako dzakanga dzakaitwa nendarama mukati mako, zvakagadzirwa nezuva rokusikwa kwako.

14Iwe wakanga uri kerubhi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omoto.

15Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.

16Nokuwanda kwokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto.

17moyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone.

18Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona.

19Vose, vanokuziva pakati pamarudzi avanhu, vachashamiswa pamusoro pako; wava chinhu chinotyisa, haungazovi chinhu nokusingaperi.

20Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,

21Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweSidhoni, uporofite pamusoro paro,

22uti, zvanzi nashe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.'

23Nokuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.

24Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

25Zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho.

26Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemizambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.