Ezekieri 29
Ezekiel 29 · 21 verses
1Zvino negore regumi, nomwedzi wegumi, nezuva regumi namaviri romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Farao mambo weIjipiti, uporofite pamusoro pake napamusoro peIjipiti rose.
3Taura uti, zvanzi nalshe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako,' ukati, `Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.'
4Ndichaisa zvikokovonho mushaya dzako, ndichanamatidza hove dzenzizi dzako pamakwande ako, ndichakubvisa mukati menzizi dzako pamwechete nehove dzose dzenzizi dzako dzakanamatira pamakwande ako.
5Ndichakurashira kurenje, iwe nehove dzose dzenzizi dzako, uchawira pasi pabani pakachena, haungakokerwi kana kuunganidzwa; ndakakuisa kuzvikara zvapasi neshiri dzokudenga, uve zvokudya zvavo.
6Vose vagere Ijipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, nokuti vakanga vakaita setsvimbo yorutsanga kuimba yaIsiraeri.
7Vakati vachibata ruoko rwako, iwe ukavhunika, ukatsemura mafudzi avo ose; vakati vachisendama pamusoro pako, iwe ukavhunika, ukamisa zviuno zvavo zviri zvoga.
8Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarira, ndinouyisa munondo pamusoro pako, ndichaparadza pakati pako vanhu nezvipfuwo.'
9Nyika yeIjipiti ichava dongo renzvimbo yakaparadzwa zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. Zvayakati, `Rwizi ndorwangu, ndini ndakaruita,
10naizvozvo, tarira, ndine mhaka newe uye nenzizi dzako, ndichaita nyika yeIjipiti nzvimbo yakaparadzwa chose nedongo, kubva pashongwe yeSevhene kusvikira pamuganho weItiopia.'
11Hakuna munhu achapfuura napo norutsoka rwake, norutsoka rwechipfuo harungapfuuri napo, haingagarwi navanhu makore makumi mana.
12Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achaitwa matongo makore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo; ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingira kunyika dzose.
13Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Kana makore makumi mana apera, ndichaunganidza vaIjipiti kumarudzi avanhu kwandakanga ndavaparadzira;
14ndichadzosazve kutapwa kweIjipiti, ndichavadzoserazve kunyika yePatirosi, kunyika kwavakaberekerwa; vachavapo hushe hwakazvidzwa.
15Huchava ushe hunozvidzwa kupfuura ushe hwose, hahungazozvimisizve kukunda mamwe marudzi, ndichavatapudza, varege kuzotongazve mamwe marudzi paushe hwavo.
16Imba yalsiraeri haingazovimbi nahwo, huchindiyeudzira zvakaipa zvavo, kana vachicheukira kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
17Zvino negore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
18Mwanakomana womunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubayiro neTire pamusoro pebasa raakabata achirwa navo.
19Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubayiro wehondo yake.
20Ndakamupa iye nyika yeIjipiti, uve muripo wake wezvaakabatira, nokuti vakandibatira ini,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21Nezuva iro ndichamedzera imba yaIsiraeri runyanga, newe ndichakupa muromo wakashamiswa pakati pavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.