Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,The word of the LORD came again unto me, saying,
Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, `Ungudzai! Aiwa, zuva rakaipa sei!'Son of man, prophesy and say, Thus saith the Lord GOD; Howl ye, Woe worth the day
Nokuti zuva rava pedo, izuva ramakore; ichava nguva yamarudzi avanhu.For the day is near, even the day of the LORD is near, a cloudy day; it shall be the time of the heathen.
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.And the sword shall come upon Egypt, and great pain shall be in Ethiopia, when the slain shall fall in Egypt, and they shall take away her multitude, and her foundations shall be broken down.
Itiopia nePuti, neRudhi, navanhu vose vakavengana, neKubhi, navana venyika vakaita sungano, vachaparadzwa pamwechete navo nomunondo.Ethiopia, and Libya, and Lydia, and all the mingled people, and Chub, and the men of the land that is in league, shall fall with them by the sword.
Zvanzi naJehovha, Naivo vanotsigira Ijipiti vachaparadzwa; kuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; vachaparadzwamo nomunondo kubva paMigidhori kusvikira paSevhene.Thus saith the LORD; They also that uphold Egypt shall fall; and the pride of her power shall come down: from the tower of Syene shall they fall in it by the sword, saith the Lord GOD.
Vachava dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.And they shall be desolate in the midst of the countries that are desolate, and her cities shall be in the midst of the cities that are wasted.
Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaisa moto vabatsiri vayo vose vaparadzwa.And they shall know that I am the LORD, when I have set a fire in Egypt, and when all her helpers shall be destroyed.
Nezuva iro nhume dzichabva kwandiri nezvikepe kundotyisa vaItiopia vasine hanya; vachava nokurwadziwa kukuru, sapazuva reIjipiti; nokuti, tarirai, zvinouya.In that day shall messengers go forth from me in ships to make the careless Ethiopians afraid, and great pain shall come upon them, as in the day of Egypt: for, lo, it cometh.
Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichagumisawo vanhu vazhinji veIjipiti noruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.Thus saith the Lord GOD; I will also make the multitude of Egypt to cease by the hand of Nebuchadrezzar king of Babylon.
Iye navanhu vake vaanavo, vanotyisa zvikuru pakati pamarudzi, vachauyiswamo kuzoparadza nyika; vachavhomorera Ijipiti minondo yavo, nokuzadza nyika navakaurawa.He and his people with him, the terrible of the nations, shall be brought to destroy the land: and they shall draw their swords against Egypt, and fill the land with the slain.
Ndichapwisa mvura yenzizi, nokutengesa nyika mumaoko avanhu vakaipa; nyika ndichaiita dongo, nezvose zvirimo, noruoko rwavatorwa; ini Jehovha, ndakataura izvozvo.And I will make the rivers dry, and sell the land into the hand of the wicked: and I will make the land waste, and all that is therein, by the hand of strangers: I the LORD have spoken it.
Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichaparadzawo zvifananidzo, nemifananidzo ndichaigumisa paNofi; hapangazovi nomuchinda kunyika yeIjipiti; ndichaisa kutya panyika yeljipiti.Thus saith the Lord GOD; I will also destroy the idols, and I will cause their images to cease out of Noph; and there shall be no more a prince of the land of Egypt: and I will put a fear in the land of Egypt.
Patirosi ndichariita dongo, paZoani ndichaisa moto, ndichaita zvandakatonga pamusoro peNo.And I will make Pathros desolate, and will set fire in Zoan, and will execute judgments in No.
Ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, iyo nhare yeIjipiti; ndichaparadza vanhu vazhinji veNo.And I will pour my fury upon Sin, the strength of Egypt; and I will cut off the multitude of No.
Ndichaisa moto paIjipiti; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati.And I will set fire in Egypt: Sin shall have great pain, and No shall be rent asunder, and Noph shall have distresses daily.
Majaya eAvheni neePibhesheti achaurawa nomunondo, maguta awa achatapwa.The young men of Aven and of Pi-beseth shall fall by the sword: and these cities shall go into captivity.
PaTapanesi masikati achaita rima, kana ndichivhunapo majoko kuzvikudza kwesimba raro kuchapera mukati maro; kana riri iro, richafukidzwa negore, vakunda varo vachatapwa.At Tehaphnehes also the day shall be darkened, when I shall break there the yokes of Egypt: and the pomp of her strength shall cease in her: as for her, a cloud shall cover her, and her daughters shall go into captivity.
Saizvozvo ndichaita zvandakatonga pamusoro zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.Thus will I execute judgments in Egypt: and they shall know that I am the LORD.
Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rechinomwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,And it came to pass in the eleventh year, in the first month, in the seventh day of the month, that the word of the LORD came unto me, saying,
Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo zvino tarira, haruna kupomberwa, kuti rurapwe, nemishonga, rupomberwe mucheka, kuti ruve nesimba rokubata munondo.Son of man, I have broken the arm of Pharaoh king of Egypt; and, lo, it shall not be bound up to be healed, to put a roller to bind it, to make it strong to hold the sword.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, ndine mhaka naFarao mambo weIjipiti, ndichavhuna maoko ake, irwo rune simba norumwe rwakavhunika; ndichawisa pasi munondo uri paruoko rwake.Therefore thus saith the Lord GOD; Behold, I am against Pharaoh king of Egypt, and will break his arms, the strong, and that which was broken; and I will cause the sword to fall out of his hand.
Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi, ndichavadzingira kunyika dzose.And I will scatter the Egyptians among the nations, and will disperse them through the countries.
Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nokuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uchagomera pamberi pake sezvinogomera munhu akakuvadzwa ari pakufa.And I will strengthen the arms of the king of Babylon, and put my sword in his hand: but I will break Pharaoh’s arms, and he shall groan before him with the groanings of a deadly wounded man.
Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyikaBut I will strengthen the arms of the king of Babylon, and the arms of Pharaoh shall fall down; and they shall know that I am the LORD, when I shall put my sword into the hand of the king of Babylon, and he shall stretch it out upon the land of Egypt.
Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingirira kunyika dzose; zvino vachazoziva kuti ndini Jehovha.'And I will scatter the Egyptians among the nations, and disperse them among the countries; and they shall know that I am the LORD.