Bhaibheri

Genesisi 10

Genesis 10 · 32 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vana shure kwemvura zhinji.

2Vanakomana vaJafeti ndivo: Gomeru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi.

3Vanakomana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.

4Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKitimi, naDhodhanimu.

5Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo.

6Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani.

7Vanakomana vaKushi ndivo: Sebha, naHavhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani.

8Kushi akabereka Nimurodhi, ndiye akatanga kuva nesimba panyika.

9Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, SaNimurodhi, mudzimba mukuru pamberi paJehovha.

10Ushe hwake hwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari.

11Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara,

12neReseni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru).

13Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafituhimu,

14navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori.

15Kenani akabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti;

16navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi;

17navaHivhi, navaAriki, navaSini,

18navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwaivava mhuri dzavaKenani dzakapararira.

19Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha.

20Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

21Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akaberekerwa vana.

22Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu.

23Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi.

24Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru.

25Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun’una wake rakanga riri Jokitani.

26Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera;

27naHadhoramu, naUsari, naDhikira;

28naObhari, naAbhimaeri, naShebha;

29naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

30Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva.

31Ndivo vanakomana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

32Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.