Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, Berekai, muwande, muzadze nyika.And God blessed Noah and his sons, and said unto them, Be fruitful, and multiply, and replenish the earth.
Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu.And the fear of you and the dread of you shall be upon every beast of the earth, and upon every fowl of the air, upon all that moveth upon the earth, and upon all the fishes of the sea; into your hand are they delivered.
Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.Every moving thing that liveth shall be meat for you; even as the green herb have I given you all things.
Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.But flesh with the life thereof, which is the blood thereof, shall ye not eat.
Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu.And surely your blood of your lives will I require; at the hand of every beast will I require it, and at the hand of man; at the hand of every man’s brother will I require the life of man.
Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.Whoso sheddeth man’s blood, by man shall his blood be shed: for in the image of God made he man.
As imwi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.And you, be ye fruitful, and multiply; bring forth abundantly in the earth, and multiply therein.
Zvino Mwari akataura naNoa navanakomana vake vakanga vanaye, akati,And God spake unto Noah, and to his sons with him, saying,
Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai;And I, behold, I establish my covenant with you, and with your seed after you;
nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika.And with every living creature that is with you, of the fowl, of the cattle, and of every beast of the earth with you; from all that go out of the ark, to every beast of the earth.
Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.And I will establish my covenant with you; neither shall all flesh be cut off any more by the waters of a flood; neither shall there any more be a flood to destroy the earth.
Ipapo Mwari akati, Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi.And God said, This is the token of the covenant which I make between me and you and every living creature that is with you, for perpetual generations:
Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.I do set my bow in the cloud, and it shall be for a token of a covenant between me and the earth.
Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore,And it shall come to pass, when I bring a cloud over the earth, that the bow shall be seen in the cloud:
ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama.And I will remember my covenant, which is between me and you and every living creature of all flesh; and the waters shall no more become a flood to destroy all flesh.
Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.And the bow shall be in the cloud; and I will look upon it, that I may remember the everlasting covenant between God and every living creature of all flesh that is upon the earth.
Mwari akati kuna Noa, Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika.And God said unto Noah, This is the token of the covenant, which I have established between me and all flesh that is upon the earth.
Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani.And the sons of Noah, that went forth of the ark, were Shem, and Ham, and Japheth: and Ham is the father of Canaan.
Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo.These are the three sons of Noah: and of them was the whole earth overspread.
Noa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa;And Noah began to be an husbandman, and he planted a vineyard:
akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake.And he drank of the wine, and was drunken; and he was uncovered within his tent.
Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri.And Ham, the father of Canaan, saw the nakedness of his father, and told his two brethren without.
Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.And Shem and Japheth took a garment, and laid it upon both their shoulders, and went backward, and covered the nakedness of their father; and their faces were backward, and they saw not their father’s nakedness.
Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku,And Noah awoke from his wine, and knew what his younger son had done unto him.
akati, Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake.And he said, Cursed be Canaan; a servant of servants shall he be unto his brethren.
Akati, Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake.And he said, Blessed be the LORD God of Shem; and Canaan shall be his servant.
Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake.God shall enlarge Japheth, and he shall dwell in the tents of Shem; and Canaan shall be his servant.
Noa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu.And Noah lived after the flood three hundred and fifty years.
Mazuva ose Nloa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.And all the days of Noah were nine hundred and fifty years: and he died.