Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia.And there was a famine in the land, beside the first famine that was in the days of Abraham. And Isaac went unto Abimelech king of the Philistines unto Gerar.
Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza;And the LORD appeared unto him, and said, Go not down into Egypt; dwell in the land which I shall tell thee of:
gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako;Sojourn in this land, and I will be with thee, and will bless thee; for unto thee, and unto thy seed, I will give all these countries, and I will perform the oath which I sware unto Abraham thy father;
ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako;And I will make thy seed to multiply as the stars of heaven, and will give unto thy seed all these countries; and in thy seed shall all the nations of the earth be blessed;
nokuti Abhurahamu wakateerera inzwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.Because that Abraham obeyed my voice, and kept my charge, my commandments, my statutes, and my laws.
Isaka akagara Gerari;And Isaac dwelt in Gerar:
vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, Ihanzvadzi yangu; nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka; nokuti akanga akanaka kumeso.And the men of the place asked him of his wife; and he said, She is my sister: for he feared to say, She is my wife; lest, said he, the men of the place should kill me for Rebekah; because she was fair to look upon.
Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake.And it came to pass, when he had been there a long time, that Abimelech king of the Philistines looked out at a window, and saw, and, behold, Isaac was sporting with Rebekah his wife.
Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, `Ihanzvadzi yangu?' Isaka akati kwaari, Nokuti ndakati, `Zvimwe ndingafa nokuda kwake.'And Abimelech called Isaac, and said, Behold, of a surety she is thy wife: and how saidst thou, She is my sister? And Isaac said unto him, Because I said, Lest I die for her.
Abhimereki akati kwaari, Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva.And Abimelech said, What is this thou hast done unto us? one of the people might lightly have lien with thy wife, and thou shouldest have brought guiltiness upon us.
Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.And Abimelech charged all his people, saying, He that toucheth this man or his wife shall surely be put to death.
Zvino Isaka akadzvara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza.Then Isaac sowed in that land, and received in the same year an hundredfold: and the LORD blessed him.
Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo;And the man waxed great, and went forward, and grew until he became very great:
akanga aine fuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora.For he had possession of flocks, and possession of herds, and great store of servants: and the Philistines envied him.
VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu.For all the wells which his father’s servants had digged in the days of Abraham his father, the Philistines had stopped them, and filled them with earth.
Abhimereki akati kuna Isaka, Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.And Abimelech said unto Isaac, Go from us; for thou art much mightier than we.
Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo.And Isaac departed thence, and pitched his tent in the valley of Gerar, and dwelt there.
Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.And Isaac digged again the wells of water, which they had digged in the days of Abraham his father; for the philistines had stopped them after the death of Abraham: and he called their names after the names by which his father had called them.
Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka.And Isaac’s servants digged in the valley, and found there a well of springing water.
Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, Imvura yedu; akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye.And the herdmen of Gerar did strive with Isaac’s herdmen, saying, The water is ours: and he called the name of the well Esek; because they strove with him.
Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina.And they digged another well, and strove for that also: and he called the name of it Sitnah.
Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.And he removed from thence, and digged another well; and for that they strove not: and he called the name of it Rehoboth; and he said, For now the LORD hath made room for us, and we shall be fruitful in the land.
Akabvapo, akakwira Bheerishebha;And he went up from thence to Beer-sheba.
Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.And the LORD appeared unto him the same night, and said, I am the God of Abraham thy father: fear not, for I am with thee, and will bless thee, and multiply thy seed for my servant Abraham’s sake.
Akavakapo aritari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime.And he builded an altar there, and called upon the name of the LORD and pitched his tent there: and there Isaac’s servants digged a well.
Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.Then Abimelech went to him from Gerar, and Ahuzzath one of his friends, and Phichol the chief captain of his army.
Isaka akati kwavari, Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?And Isaac said unto them, Wherefore come ye to me, seeing ye hate me, and have sent me away from you?
Ivo vakati, Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, `Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe;And they said, We saw certainly that the LORD was with thee: and we said, Let there be now an oath betwixt us, even betwixt us and thee, and let us make a covenant with thee;
kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare;' zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha.That thou wilt do us no hurt, as we have not touched thee, and as we have done unto thee nothing but good, and have sent thee away in peace: thou art now the blessed of the LORD.
Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa,And he made them a feast, and they did eat and drink.
vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare.And they rose up betimes in the morning, and sware one to another: and Isaac sent them away, and they departed from him in peace.
Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, Mvura taiwana.And it came to pass the same day, that Isaac’s servants came, and told him concerning the well which they had digged, and said unto him, We have found water.
Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi.And he called it Shebah: therefore the name of the city is Beer-sheba unto this day.
Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti;And Esau was forty years old when he took to wife Judith the daughter of Beeri the Hittite, and Bashemath the daughter of Elon the Hittite:
ivavo vakarwadza moyo walsaka naRabheka.Which were a grief of mind unto Isaac and to Rebekah.