Bhaibheri

Genesisi 27

Genesis 27 · 46 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, Mwana wangu; iye akati kwaari, Ndiri pano hangu.

2Akati, Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu.

3Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka;

4undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndidye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa.

5Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo.

6Rabheka akataura naJakobho, mwanakomana wake, akati, Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti,

7`Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.'

8Zvino mwana wangu, teerera inzwi rangu sezvandinokuraira.

9Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, sezvavanoda;

10ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa.

11Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.

12Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava somunyengedzeri pamberi pavo, ndikazviuyisira kutukwa pachigaro chokuropafadzwa.

13Mai vake vakati kwaari, Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako inzwi rangu, uende unditorere idzo.

14Iye akaenda, akadzitora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidikanwa nababa vake.

15Zvino Rabheka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwanakomana wake muduku;

16akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere;

17akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwanakomana wake.

18Iye akaenda kuna baba vake, akati, Baba vangu; ivo vakati, Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?

19Jakobho akati kuna baba vake, Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze.

20Isaka akati kumwanakomana wake, Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu? Iye akati, Nokuti Jehovha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu.

21Isaka akati kuna Jakobho, Chimboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe.

22Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubatabata, vakati, Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.

23Asi haana kumuziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.

24Akati, Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Iye akati, Ndini iye.

25Akati, Uiswededze pedo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwanakomana wangu, mweya wangu ukuropafadze. Iye akaiswededza pedo naye, akadya; akamupawo waini, akanwa.

26Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, Swedera zvino unditsvode, mwana wangu.

27Akaswedera, akamutsvoda; akanzwa munhuwi wenguvo dzake, akamuropafadzwa, akati, Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha;

28Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda.

29Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe.

30Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake.

31Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze.

32Ipapo Isaka baba vake vakati, Ndiwe aniko? Iye akati, Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.

33Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropafadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharopafadzwa hake.

34Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!

35Akati, Munun’una wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako.

36Iye akati, Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? Nokuti zvino wandinyengedzera kaviri; wambonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwangu. Akati, Hamuna kundichengeterawo kuropafadzwa here?

37Isaka akapindura, akati kuna Esau, Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?

38Esau akati kuna baba vake, Munongova nokuropafadza kumwe kwoga here, baba vangu? Ndiropafadzei, neniwo, baba vangu! Esau akachema nokuchema. kukuru.

39Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro;

40uchararama nomunondo wako, uchashumira munun’una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.

41Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munun’una wangu Jakobho.

42Zvino Rabheka akaudzwa mashoko aEsau, mwanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.

43Saka zvino, mwana wangu, teerera inzwi rangu; simuka utizire Harani kuna Rabhani hanzvadzi yangu;

44undogara kwaari mazuva mashomanana, kusvikira shungu dzomukoma wako dzanyarara;

45kusvikira kutsamwa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akanganwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mumwe imwi mose muri vaviri?

46Rabheka akati kuna Isaka, Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu ungandibatsirei?

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.