Bhaibheri

Hosea 1

Hosea 1 · 11 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.

2Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.

3Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.

4Jehovha akati kwaari, Mutumidze zita rinonzi `jezireeri,' nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa rejezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri.

5Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata wejezireeri.

6Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, Mutumidze iye zita rinonzi `Roruhama;' nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwira.

7Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.

8Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana.

9Jehovha akati, Mutumidze zita rinonzi `Roami;' nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.

10Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, Hamuzi vanhu vangu, ndipapo pazvichanzi kwavari, Muri vanakomana vaMwari mupenyu.

11Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nokuti zuva rejezireeri richava guru.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.