Itiyi kuna vanun’una venyu, Ama; nokuhanzvadzi dzenyu, Ruhama.Say ye unto your brethren, Ammi; and to your sisters, Ru-hamah.
Kakavarai namai venyu, kakavarai; nokuti haazi mukadzi wangu, neni handizi murume wake; ngaabvise kufeva kwake pachiso chake, nokupata kwake pakati pamazamu ake;Plead with your mother, plead: for she is not my wife, neither am I her husband: let her therefore put away her whoredoms out of her sight, and her adulteries from between her breasts;
kuti ndirege kumukumurira nguo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota.Lest I strip her naked, and set her as in the day that she was born, and make her as a wilderness, and set her like a dry land, and slay her with thirst.
Zvirokwazvo handinganzwiri vana vake nyasha, zvavari vana voufeve;And I will not have mercy upon her children; for they be the children of whoredoms.
nokuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nokuti vakati, Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokunwa zvangu.For their mother hath played the harlot: she that conceived them hath done shamefully: for she said, I will go after my lovers, that give me my bread and my water, my wool and my flax, mine oil and my drink.
Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako neminzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake.Therefore, behold, I will hedge up thy way with thorns, and make a wall, that she shall not find her paths.
Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga, nokuti nenguva iyo ndaifara kupfuura zvino.And she shall follow after her lovers, but she shall not overtake them; and she shall seek them, but shall not find them: then shall she say, I will go and return to my first husband; for then was it better with me than now.
Nokuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Bhaari nazvo.For she did not know that I gave her corn, and wine, and oil, and multiplied her silver and gold, which they prepared for Baal.
Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.Therefore will I return, and take away my corn in the time thereof, and my wine in the season thereof, and will recover my wool and my flax given to cover her nakedness.
Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu.And now will I discover her lewdness in the sight of her lovers, and none shall deliver her out of mine hand.
Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara kwomwedzi, namaSabata ake, nevungano dzake dzose dzakatarwa.I will also cause all her mirth to cease, her feast days, her new moons, and her sabbaths, and all her solemn feasts.
Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.And I will destroy her vines and her fig trees, whereof she hath said, These are my rewards that my lovers have given me: and I will make them a forest, and the beasts of the field shall eat them.
Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuwira, azvichishonga nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangwanwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.And I will visit upon her the days of Baalim, wherein she burned incense to them, and she decked herself with her earrings and her jewels, and she went after her lovers, and forgat me, saith the LORD.
Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake.Therefore, behold, I will allure her, and bring her into the wilderness, and speak comfortably unto her.
Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyikaAnd I will give her her vineyards from thence, and the valley of Achor for a door of hope: and she shall sing there, as in the days of her youth, and as in the day when she came up out of the land of Egypt.
Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari.And it shall be at that day, saith the LORD, that thou shalt call me Ishi; and shalt call me no more Baali.
Nokuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikanwi namazita avo.For I will take away the names of Baalim out of her mouth, and they shall no more be remembered by their name.
Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa.And in that day will I make a covenant for them with the beasts of the field, and with the fowls of heaven, and with the creeping things of the ground: and I will break the bow and the sword and the battle out of the earth, and will make them to lie down safely.
Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.And I will betroth thee unto me for ever; yea, I will betroth thee unto me in righteousness, and in judgment, and in lovingkindness, and in mercies.
Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.I will even betroth thee unto me in faithfulness: and thou shalt know the LORD.
Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika;And it shall come to pass in that day, I will hear, saith the LORD, I will hear the heavens, and they shall hear the earth;
nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; izvo zvichapindura jezireeri.And the earth shall hear the corn, and the wine, and the oil; and they shall hear Jezreel.
Ndichazvisimira iye panyika; ndichamunzwira nyasha, iye akanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu, Imi muri vanhu vangu, ivo vachati, Imi muri Mwari wedu.And I will sow her unto me in the earth; and I will have mercy upon her that had not obtained mercy; and I will say to them which were not my people, Thou art my people; and they shall say, Thou art my God.