Bhaibheri

Hosea 12

Hosea 12 · 14 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1' Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Ijipiti.

2Jehovha ane gakava naJudhawo, acharova Jakobho pamusoro penzira dzake, achamuripira pamusoro pezvaakaita.

3Muchizvaro akabata chichitsinho chomukuru wake, ava nesimba romurume akaita mitsimba naMwari;

4zvirokwazvo, akaita mitsimba nomutumwa akakunda; akachema, akamunyengetera; akamuwana paBhetieri, akataurapo nesu,

5iye Jehovha, Mwari wehondo; Jehovha ndiro zita rokumurangarira naro.

6Naizvozvo chidzokera kuna Mwari wako; chengeta rudo nokururamisa, urambe uchimirira Mwari wako.

7Iye muKanani, zviyero zvinonyengera zviri muruoko rwake, anofanira kumanikidza.

8Asi Efuremu anoti, `Zvirokwazvo, ndafuma, ndazviwanira fuma; pamabasa angu ose havangawani kwandiri zvakaipa zvezvivi.'

9Asi ndini Jehovha Mwari wako, kubva panyika yeIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.

10Ndakataurawo navaporofita, ndikawanza zvandakavaratidza; ndakavataurira zvifananidzo nemiromo yavaporofita.

11Ko paGiriyadhi pane zvakaipa here? Havana maturo chose; vanobaya nzombe paGirigari; zvirokwazvo maaritari avo akaita matutu amabwe pamihoronga yeminda.

12Jakobho akatizira kunyika yeArami, Isiraeri akabatira mukadzi, akafudza makwai kuti awane mukadzi.

13Jehovha akabudisa Isiraeri paIjipiti nomuporofita, akazochengetwa nomuporofita.

14Efuremu vakatsamwisa Jehovha zvikuru; naizvozvo mhaka yeropa rake ichasiyiwa kwaari, Ishe wake achadzosera kuzvidzwa kwake kwaari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.