Hosea 13
Hosea 13 · 16 verses
1Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.
2Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, Vanobayira mhuru ngavadzisvete.
3Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi hwechoto hunobuda napaburi.
4Kunyange zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.
5Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.
6Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikanganwa.
7Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;
8ndicharwa navo sebere rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.
9Ndizvo zvichakuparadzai, imi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.
10Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, `Tipei mambo namachinda?'
11Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.
12Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.
13Kurwadziwa kwomukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asine njere; nokuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.
14Ndichavadzikinura pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Aiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Aiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuzvidemba hakungaonekwi nameso angu.
15Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime rake richaoma, iye uchapamba fuma yenhumbi dzose dzinodikanwa.
16Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.