Hosea 14
Hosea 14 · 9 verses
1Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.
2Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu.
3Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.
4Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.
5Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni.
6Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni.
7Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.
8Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.
9Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.