Hosea 4
Hosea 4 · 19 verses
1Inzwai shoko raJehovha, Imi vana vaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakune zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino.
2Hakune zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuuraya, nokuba, nokuita upombwe; vanopaza dzimba, kuteura ropa kunoramba kuchitevera kuteura ropa.
3Saka nyika ichachema, mumwe nomumwe ageremo achapera simba, pamwechete nemhuka dzesango neshiri dzokudenga; naidzo hove dzegungwa dzichabviswa.
4Ngakurege kuva nomunhu anokakavara kana munhu anotuka; nokuti vanhu vako vakaita savanokakavara nomupirisiti.
5Iwe uchagumburwa masikati, nomuporofita achagumburwawo pamwechete newe usiku; ndichaparadza mai vako.
6Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupirisiti wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.
7Vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo, ndichashandura kukudzwa kwavo ndikuite kunyadziswa.
8Vakaguta nezvinobva pazvivi zvavanhu vangu, vanopanga nemwoyo yavo zvakaipa zvavo.
9Saka zvakaita vanhu, ndizvo zvichaita mupirisitiwo; ndichavarova pamusoro penzira dzavo, ndichavaripidzira zvavanobata.
10Vachadya, asi havangaguti; vachapata, asi havangawandi, nokuti vakarega kuva nehanya naJehovha.
11Kufeva newaini newaini, itsva, zvinobvisa njere.
12Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokupeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo.
13Vanobayira pamusoro pamakomo, vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, napasi pemioki, nemipopirari, nemiterebhini, nokuti mimvuri yayo yakanaka, naizvozvo vakunda venyu vanopata, mwenga yenyu inofeva.
14Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa.
15Kunyange imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, `NaJehovha mupenyu!'
16Nokuti Isiraeri vanakomana, setsiru rinokoma; zvino Jehovha achavafudza segwayana panzvimbo mhamhi.
17Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei.
18Zvavanonwa zvinovava; vanoramba vachipata; vabati vavo vanofarira zvikuru zvinonyadzisa.
19Mhepo yakavaputira namapapiro ayo; vachanyadziswa nokuda kwezvibayiro zvavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.