Bhaibheri

Hosea 5

Hosea 5 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Inzwai shoko iri, imi vapirisiti, teererai imi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotongwa; nokuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.

2Vakandimukira vakapinda kwazvo pakuora, asi ndichavatuka vose.

3Ndinoziva Efuremu, Isiraeri havana kuvanzika pamberi pangu; nokuti zvino iwe Efuremu, wakapata, Isiraeri vakasvibiswa.

4Zvavakaita hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo; nokuti mweya wokufeva uri mukati mavo, havazivi Jehovha.

5Kuzvikudza kwaIsiraeri kunovapupurira pachena; saka Isiraeri naEfuremu vachagumburwa pazvakaipa zvavo, Judha vachagumburwawo pamwechete navo.

6Vachaenda namakwai avo nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, asi havangamuwani; akaenda kure navo.

7Vakanyengera Jehovha, nokuti vakabereka vana vasati vari vavo; zvino mutambo wokugara kwomwedzi uchavapedza pamwechete neminda yavo.

8Ridzai mumanzi paGibhiyoni, nehwamanda paRama; ridzai mhere paBhetiavheni; vari shure kwako, iwe Bhenjamini!

9Nyika yaEfuremu ichaitwa matongo nezuva rokutukwa; ndakazivisa pakati paIsiraeri zvichazovapo zvirokwazvo.

10Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganho; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.

11Efuremu wakamanikidzwa wakapwanyiwa nokutongwa, nokuti akanga achitenda kutevera murayiro wavanhu.

12Naizvozvo ndichava kuna Efuremu sechipfunho, uye sokuora kuimba yaJudha.

13Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.

14Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, uye seshumba duku kuimba yaJudha; ini, iyeni, ndichabvambura ndokuenda; ndichavatapa, hakuna angavarwira.

15Ndichaenda ndichidzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vatenda kutadza kwavo, vakatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.