Bhaibheri

Hosea 7

Hosea 7 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.

2Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.

3Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo.

4Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira.

5Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki.

6Nokuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata husiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.

7Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri.

8Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisinakushandurwa.

9Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose-pose, asi iye haazvizivi.

10Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyange izvi zvose zvakadaro.

11Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Ijipiti, vanoenda Asiria.

12Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo.

13Vane nhamo ivo nokuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nokuti vakandidarikira; kunyange ndakanga ndichida kuvadzikinura, vakandirevera nhema.

14Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhovo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.

15Kunyange ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyange zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa

16Vanodzoka asi havangadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.