Bhaibheri

Hosea 6

Hosea 6 · 11 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve, akarova, asi achatisungazve patakakuvara.

2Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake.

3Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika.

4Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda.

5Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda.

6Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.

7Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera.

8Giriyadhi iguta ravanoita zvakaipa, rina makwapa eropa.

9Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapirisiti rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa.

10Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panohufeve, Isiraeri vakasvibiswa.

11Newevo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.