Bhaibheri

Isaya 45

Isaiah 45 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuo pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa.

2Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama;

3ndichakupa fuma iri murima, noufumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari walsiraeri, anokudana nezita rako.

4Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi.

5Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva;

6kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe.

7Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.

8Iwe denga rose, donhedza zvichibva kumusoro, makore ngaadurure kururama, nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, ibereke kururama pamwechete; ini Jehovha ndakazvisika.

9Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kunoanoriumba, `Unoiteiko? Kana basa rako ringati, `Haana maoko, here?'

10Ane nhamo anoti kuna baba, `Unoberekeiko?' Kana kumukadzi, `Unozvareiko?'

11Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsiraeri, noMuiti wavo, Ndibvunzei pamusoro pezvichazoitwa; pamusoro pavanakomana vangu, napamusoro pebasa ramaoko angu, mundirayire.

12Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatamura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.

13Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

14Zvanzi naJehovha, Zvakabatirwa neljipiti, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhiya, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, `Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.'

15Zvirokwazvo, muri Mwari anovanda, imi Mwari waIsiraeri, Muponesi.

16Ivo vose vachanyadziswa vave nenyadzi; vaiti vezvifananidzo vachanyadziswa pamwechete.

17Asi vaIsiraeri vachaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamunganyadziswi kana kuva nenyadzi kusvikira panguva dzisingaperi.

18Nokuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, Ndini Jehovha, hakuna mumwe.

19Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yenyika yerima; handina kuti kurudzi rwaJakobho, `Nditsvakei pasina,' ini Jehovha, ndinotaura zvakarurama, ndinoparidza zvechokwadi.

20Unganai, muuye; swederai pamwechete, imi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri mifananidzo yavo yakavezwa havana ruzivo, ivo vanonyengetera mwari asingagoni kuponesa.

21Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, `Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani akazviparidza pakutanga?' Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu,

22Tarirai kwandiri muponeswe imwi mativi ose enyika nokuti ndini Mwari hakuna mumwe.

23Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama haringadzoki namabvi ose achandifugamira, marimi ose achapika neni.

24Zvanzi pamusoro pangu, `Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi; vanhu vachauya kwaari, vose vakanga vamutsamwira vachanyadziswa.

25Rudzi rwose rwaIsiraeri rucharuramisirwa muna Jehovha, nokuzvirumbidza maari.'

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.