Bhaibheri

Isaya 46

Isaiah 46 · 13 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Bheri anowira pasi, Nebho anokotama; zvifananidzo zvavo zvezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta.

2Vanokotama, vanowira pasi pamwechete, vakakoniwa kununura mutoro, asi ivo vamene vakatapwa.

3Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakatakudzwa kubva pachizvaro;

4kusvikira mukukwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.

5Muchandifananidza , nokundienzanisa , nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye?

6Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vowira pasi, nokunamata.

7Vanomusimudza pamapfudzi, vanomutakura, ndokumugadzika panzvimbo yake, iye ndokumira; haabvi panzvimbo yake, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwaari, haagoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.

8Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imi vadariki.

9Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna akafanana neni;

10iye anodanidzira kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, `Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;'

11ndinodana gondo ribve kumabvazuva,munhu wandakaraira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.

12Nditeererei, imi mune moyo mikukutu, imi muri kure nokururama;

13Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZiyoni, nokubwinya kwangu pakati paIsiraeri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.