Bhaibheri

Isaya 52

Isaiah 52 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.

2Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; zvisunungura pazvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.

3Nokuti zvanzi naJehovha Makazvitengesa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari.

4Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Vanhu vangu vakaburukira Ijipiti kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.

5Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.

6Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.

7Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZiyoni, Mwari wako anobata ushe!

8Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.

9Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.

10Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.

11Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.

12Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.

13Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.

14Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako, (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),

15saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.