Bhaibheri

Isaya 53

Isaiah 53 · 12 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani?

2Nokuti akamera pamberi pake sebukira, nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.

3Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza.

4Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.

5Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.

6Isu tose samakwai, takanga takarasika , takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; vuye Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.

7Akamanikidzwa,akarohwa, kunyange zvakadaro haana kushamisa muromo wake;akauyiswa segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai pamberi pavavevuri varo,akanyarara, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

8Akabviswa pakumanikidzwa napakutongwa, ndianiko angaparidza zera rake? nokuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Nokuda kwokudarika kwavanhu vangu; akarohwa.

9Akaita bwiro bwake pamwechete navakaipa, akava navamufumi pakufa kwake, nokuti haana kuita chisakarurama, kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.

10Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti apwanyiwe; wakamurwadzisa; ipapo uchaita mweya wake chibairo chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichabudirira muruoko rwake.

11Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo.

12Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake kukufa, akaverengwa pamwechete navadariki; uye akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.