Bhaibheri

Isaya 57

Isaiah 57 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa.

2Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.

3Asi swederai pano, imi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechifeve.

4Munofara pamusoro paani? Munoshamisira ani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema,

5iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo?

6Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?

7Wakawadza nhovo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro.

8Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhovo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhovo dzavo kwawakadziwana.

9Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.

10Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti, Hazvina maturo; wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.

11Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?

12Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri.

13Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.

14Zvichanzi, Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu.

15Nokuti zvanzi noAkakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noane mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve moyo wowakapwanyika.

16Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.

17Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada moyo wake.

18Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamufambisawo, nokumunyaradzazve iye navanomuchema.

19Ndini ndinosika zvibereko zvemiromo; zvanzi naJehovha, `Rugare, rugare kunoari kure nokunoari pedo, ndichamuporesa.'

20Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.

21Zvanzi naMwari wangu, `Vakaipa havana rugare.'

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.