Isaya 56
Isaiah 56 · 12 verses
1Zvanzi naJehovha, Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa.
2Akaropafadzwa munhu anoita izvozvi, noMwanakomana womunhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chakaipa.
3Mutorwa akanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti, Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake; nowakachekwa ngaarege kuti, Tarirai, ndiri muti wakaoma.
4Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavakachekwa, Vanochengeta maSabata angu, nokusanangura zvinhu zvinondifadza, vachibatisisa sungano yangu.
5Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
6Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu;
7ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
8Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri, anoti, `Ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamwechete navake vakaunganidzwa.'
9Imi zvikara zvose zvokusango, uyai mudye, imi zvikara zvose zvokudondo.
10Nharire dzake mapofu, vose havane zivo; dzose imbwa dzisingagoni kutaura, dzisingagoni kuhukura, dzinorota, dzinovata pasi, dzinofarira kuvata.
11Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingatongoguti; ava vafudzi, vasingagoni kunzwisisa, mumwe nomumwe wakatsaukira kunzira yake, mumwe nomumwe kufuma yake, vose-vose.
12Vanoti, Uyai, ndichauya newaini, tichaguta nezvinobata, mangwana achaita sezuva ranhasi,zuva guru-guru kwazvo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.