Bhaibheri

Jakobho 3

James 3 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuvurisa.

2Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wose vo.

3Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora vo muviri wawo wose.

4Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa nechidzoreso chiduku duku kwose-kwose nokuda kwomoyo womufambisi wawo.

5Saizvozvo vo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei!

6Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose yovupenyu, runotungidzwa irwo neGehena.

7Nokuti marudzi ose emhuka, neshiri, nezvinokambaira, nezviri mugungwa angapingudzwa, vuye akambopingudzwa navanhu;

8asi hakunomunhu ungapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unovuraya.

9Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari;

10mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.

11Tsime rinobudisa pachitubu chimwe mvura inonaka neinovava here?

12Hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa mavonde here? Kunyange nemvura inovava haingabudisi inonaka.

13Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambire wake wakanaka mabasa ake novunyoro bwovuchenjeri.

14Asi kana munegodo rinovava norukave mumoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema.

15Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa.

16Nokuti panegodo norukave, ndipo panenyonganiso namabasa ose akaipa.

17Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, vuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.

18Chibereko chokururama chinodzwarwa parugare navanoita rugare.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.