Bhaibheri

Jakobho 2

James 2 · 26 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Hama dzangu, kutenda kwenyu kunaShe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinovonekwa zvomunhu.

2Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka nguvo dzakanaka, mukapinda vo murombo, wakapfeka nguvo dzakaipa;

3mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira ipapo, kana: Gara pasi pachitsiko chetsoka dzangu;

4ko hamuna kutsaura mumoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here?

5Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kusanangura varombo venyika here kuti vave vafumi pakutenda, navadyi venhaka yovushe bwakapikira vanomuda?

6Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vafumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?

7Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?

8Asi zvino kana muchizadzisa murairo wovushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ida wokwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka.

9Asi kana muchitenda zvinovonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurairo muchinzi vadariki.

10Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kunechinhu chimwe chete, wava nemhosva kunezvose.

11Nokuti iye, wakati: usaita vupobwe, ndiyevo: wakati usavuraya. Zvino kana usingaiti vupobwe, asi uchivuraya, wava mudariki womurairo.

12Taurai, vuye itai savanhu vanozotongwa nomurairo wokusunungurwa.

13Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunousina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.

14Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti: Ndinokutenda, asi asinamabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here?

15Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe,

16mumwe wenyu akati kwavari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei?

17Saizvozvo, vo, nokutenda kana kusinamabasa, kwakafa hako.

18Asi mumwe ungati: iwe unokutenda, neni ndinamabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa,neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.

19Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwe chete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotenda vo izvozvo, ichidedera.

20Zvino iwe munhu wovupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusinamabasa kwakafa?

21Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari?

22Unovona kuti kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake, vuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa;

23rugwaro rukaitika, runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.

24Munovona kuti munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.

25Saizvozvo vo, Rakabhi, chifeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendisa neimwe nzira?

26Nokuti somuviri usinomweya wakafa, saizvozvo kutenda kusinamabasa kwakafa vo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.