Jeremia 10
Jeremiah 10 · 25 verses
1Inzwai shoko rinotaura Jehovha kwamuri, imi imba yaIsiraeri,
2zvanzi naJehovha, Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu, musavhunduswa nezviratidzo zvokudenga; nokuti marudzi avanhu anovhunduswa nazvo.
3Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.
4Vanoushongedza nesirivha nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka.
5Zvakafanana nembiru dzakavezwa, dzisingatauri; zvinofanira kutakurwa, nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya, nokuti hazvigoni kuita zvakaipa, kunyange kuita zvakanaka, hazvigoni.
6Hakuna wakafanana nemi Jehovha; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro.
7Ndianiko ungarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi avanhu? Nokuti makafanira izvozvi; nokuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi.
8Asi vose pamwechete havane njere, mapenzi; dzidzo yezvifananidzo idanda zvaro.
9Isirivha yakapfurwa ikaita bope, yakatorwa Tarishishi, nendarama inobva Ufazi, riri basa remhizha neramaoko omupfuri wendarama; zvakafukidzwa nguvo dzemicheka mitema nemitsvuku; zvose ibasa ravanhu venjere.
10Asi Jehovha ndiye Mwari wazvokwadi; ndiye Mwari mupenyu, naMambo wokusingaperi; kana iye atsamwa nyika inodedera, marudzi avanhu haagoni kumira pahasha dzake.
11ltiyi kwavari, Vamwari vasina kuita denga nenyika, ndivo vachapera panyika napasi pedenga rose.
12Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
13Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
14Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema, hakuna mweya mazviri.
15Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.
16Mugove waJakobho haufanani naizvozvo, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
17Unganidza nhumbi dzako, ubve panyika, iwe unogara wakakombwa.
18Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, nguva ino ndichaposhera kure vanhu vagere munyika ino, ndichavamanikidza, kuti vawanikwe.
19Ndine nhamo nokuda kwokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu.
20Tende rangu rakaputswa, mabote angu ose akadamburwa; vana vangu vabva kwandiri, havachiripo; hakuchina ungatatamura tende rangu, kana kumisazve micheka yetende rangu.
21Nokuti vafudzi vava vasina njere, havana kubvunza Jehovha; naizvozvo havana kuzofara, namapoka avo ose akapararira.
22Inzwai, mukurumbira! Tarirai, bope guru rinouya richibva kunyika yokumusoro, kushandura maguta aJudha ave matongo, panogara makava.
23Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.
24Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu asi muite nokururama; musazviita nokutsamwa kwenyu, kuti murege kundipedza chose.
25Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pamarudzi avanhu vasingakuziviyi, napamusoro pamarudzi asingadani zita renyu; nokuti vakadya Jakobho, zvirokwazvo, vakamudya nokumupedza, vakaparadza hugaro hwake
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.