Jeremia 11
Jeremiah 11 · 23 verses
1.Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
2Inzwa mashoko esungano iyi, muataure navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu,
3uti kwavari, 'Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, munhu usinganzwi mashoko esungano iyi, ngaatukwe,'
4aya andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, muchoto chamatare, ndichiti, `teererai inzwi rangu, muzviite zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;
5kuti ndisimbise kupika kwandakapikira madzibaba enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvazvakaita zuva ranhasi.' Ipapo ndakapindura, ndikati, `Ameni, Jehovha.'
6Zvino Jehovha akati kwandiri, Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, `Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.'
7Nokuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, `teererai inzwi rangu.'
8Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.
9Zvino Jehovha akati kwandiri, Rangano yakaipa yawanikwa pakati pavanhu vaJudha, napakati pavagere Jerusaremu.
10Vakadzokera kune zvakaipa zvamadzitateguru avo, akaramba kunzwa mashoko angu, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita namadzibaba avo.
11Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, zvavasingagoni kutiza; vachadanidzira kwandiri, asi handingavanzwi.
12Ipapo vamaguta aJudha navagere Jerusaremu, vachandodanidzira kuna vamwari vavanopisira zvinonhuwira; asi havangatongovaponesi panguva yokutambudzika kwavo.
13Nokuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maaritari, iwo maaritari okupisira Bhaari zvinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.'
14Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nokuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kwokutambudzika kwavo.
15Mudikanwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.
16Jehovha wakakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.
17Nokuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakareva zvakaipa pamusoro pako, nokuda kwezvakaipa zveimba yaIsiraeri, neimba yaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa nokupisira kwavo Bhaari zvinonhuwira.
18Jehovha wakandizivisa izvozvo, ndikazviziva; ipapo mukandiratidza zvavanoita.
19Asi ini ndakanga ndakafanana negwaiana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.
20Asi imi Jehovha wehondo, imi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.
21Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu veAnatoti, vanotsvaka kukuuraya, vachiti, Haufaniri kuporofita nezita raJehovha, kuti urege kuurawa namaoko edu;
22naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichavarova; majaya achaurawa nomunondo, vanakomana vavo navanasikana vavo vachaurawa nenzara;
23havangasarirwi navanhu, nokuti ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavanhu veAnatoti pagore rokurohwa kwavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.