Bhaibheri

Jeremia 4

Jeremiah 4 · 31 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvanzi naJehovha, Kana muchida kudzoka, imi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira.

2Ipapo muchapika, muchiti, `NaJehovha mupenyu,' nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari.

3Nokuti zvanzi naJehovha kuvanhu vaJudha naveJerusaremu, Zvivundirei gombo, idzva, musadzvara pakati peminzwa.

4Zvidzingisirei Jehovha, mubvise zvikanda zvapamberi zvomoyo, imi vanhu vaJudha navagere Jerusaremu; kuti kutsamwa kwangu kukuru kurege kubuda somoto, upise kusino munhu unogona kuudzimura, nokuda kwezvakaipa zvamakaita.

5Taurai pakati paJudha, muparidze muJerusaremu, muti Ridzai hwamanda panyika, danidzirai, muti, Unganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa.

6Simudzirai mureza kurutivi rweZiyoni, tizai, musamira; nokuti ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.

7Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.

8Naizvozvo zvisungei zviuno zvenyu namakudza, mucheme nokuwungudza; nokuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kudzorwa kwatiri.

9Zvino ndizvo zvinotaura Jehovha nezuva iro moyo wamambo uchaora, nemoyo yamachindawo; vapirisiti vachashamiswa navaporofita vachakanuka.

10Ipapo ndikati, Haiwa, Ishe Jehovha zvirokwazvo makanyengera kwazvo vanhu ava naveJerusaremu, zvamakati, `Muchava norugare, nyamba munondo unobaya kusvikira pamweya.'

11Nenguva iyo vanhu ava naveJerusaremu vachaudzwa, zvichinzi, Tarirai mhepo inopisa, inobva kuzvikomo zvisina miti murenje, inouya kumukunda wavanhu vangu, isingavingi kurudza kana kunatsa;

12mhepo ine simba, inobva ikoko, ichandiuyira; zvino ndicharevawo zvandakatonga pamusoro pavo.

13Tarirai, uchauya samakore, ngoro dzake dzichaita sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tine nhamo, nokuti taparadzwa.

14Haiwa, Jerusaremu, suka zvakaipa zviri pamoyo wako, kuti uponeswe. Ndangariro dzako dzakaipa dzichagara mukati mako kusvikira rinhiko?

15Nokuti inzwi rinotaura richibva Dhani, rinoparidza njodzi richibva pazvikomo zveEfuremu.

16Udzai marudzi izvozvo, tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.

17Dzinovakomberedza savarindi vanokomberedza munda, nokuti vakandimukira ndizvo zvinotaura Jehovha.

18Mufambiro wako nezvawakaita ndizvo zvakakuvuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti

19Maiwe ! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumoyo mangu mumene; moyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.

20Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa; nokuti nyika yose yaitwa dongo; matende angu aparadzwa kamwekamwe, namaseiri amatende angu pakarepo.

21Ndichaona mureza kusvikira rinhiko, nokunzwa kurira kwehwamanda?

22Nokuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka.

23Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza.

24Ndakatarira makomo, ndikaona achidedera, nezvikomo zvose zvichizununguka.

25Ndakatarira, ndikasaona munhu, neshiri dzose dzokudenga dzakanga dzatiza.

26Ndakatarira, ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka pamberi paJehovha, napamberi pokutsamwa kwake kukuru.

27Nokuti zvanzi naJehovha, Nyika yose ichasiyiwa yaparadzwa, asi handingaipedzi chose.

28Nemhaka iyi nyika ichachema, nedenga rose kumusoro richasviba; nokuti ndakazvitaura, ndakafunga kuzviita, handina kuzvidemba, handingadzoki pachinhu ichi.

29Maguta ose anotiza nokuda kwomubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo.

30Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikanwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.

31Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZiyoni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.