Mhanyai kwose-kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira.Run ye to and fro through the streets of Jerusalem, and see now, and know, and seek in the broad places thereof, if ye can find a man, if there be any that executeth judgment, that seeketh the truth; and I will pardon it.
Kunyange vachiti havo, NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo vanopika nhema.And though they say, The LORD liveth; surely they swear falsely.
Haiwa Jehovha, meso enyu haazinotsvaka zvokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; makavapedza, asi vakaramba kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka.O LORD, are not thine eyes upon the truth? thou hast stricken them, but they have not grieved; thou hast consumed them, but they have refused to receive correction: they have made their faces harder than a rock; they have refused to return.
Ipapo ndikati, Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, kana murayiro waMwari wavo.Therefore I said, Surely these are poor; they are foolish: for they know not the way of the LORD, nor the judgment of their God.
Ndichaenda kuvakuru, ndichataura navo; nokuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, nomurayiro waMwari wavo. Asi ava vose pamwechete vakaputsa joko, vakadambura zvisungo.I will get me unto the great men, and will speak unto them; for they have known the way of the LORD, and the judgment of their God: but these have altogether broken the yoke, and burst the bonds.
Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.Wherefore a lion out of the forest shall slay them, and a wolf of the evenings shall spoil them, a leopard shall watch over their cities: every one that goeth out thence shall be torn in pieces: because their transgressions are many, and their backslidings are increased.
Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvifeve vachiita mapoka.How shall I pardon thee for this? thy children have forsaken me, and sworn by them that are no gods: when I had fed them to the full, they then committed adultery, and assembled themselves by troops in the harlots’ houses.
Vakanga vakaita samabhiza akagutswa, anongozvifambira; mumwe nomumwe wakadana mukadzi wowokwake.They were as fed horses in the morning: every one neighed after his neighbour’s wife.
Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?Shall I not visit for these things? saith the LORD: and shall not my soul be avenged on such a nation as this?
Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musapedza chose; bvisai matavi aro, nokuti haazi Jehovha.Go ye up upon her walls, and destroy; but make not a full end: take away her battlements; for they are not the LORD’S.
Nokuti imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaita nokunyengera kukuru kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.For the house of Israel and the house of Judah have dealt very treacherously against me, saith the LORD.
Vakaramba Jehovha, vakati, Haazi iye; hakuna chakaipa chingatiwira, hatingaoni munondo kana nzara;They have belied the LORD, and said, It is not he; neither shall evil come upon us; neither shall we see sword nor famine:
vaporofita vachashanduka mhepo, shoko raJehovha harizi mavari; ngavaitirwe saizvozvo.And the prophets shall become wind, and the word is not in them: thus shall it be done unto them.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Zvamunotaura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu ave moto mumiromo yenyu, navanhu ava vave huni, vapedzwe nawo.Wherefore thus saith the LORD God of hosts, Because ye speak this word, behold, I will make my words in thy mouth fire, and this people wood, and it shall devour them.
Tarirai ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsiraeri, rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.Lo, I will bring a nation upon you from far, O house of Israel, saith the LORD: it is a mighty nation, it is an ancient nation, a nation whose language thou knowest not, neither understandest what they say.
Gobha ravo hwiro hwakashama, vose vanhu vane simba.Their quiver is as an open sepulchre, they are all mighty men.
Vachadya zvamakohwa nezvokudya zvenyu zvaifanira kudyiwa navanakomana venyu navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu; vachadya mizambiringa yenyu nemionde yenyu; vachaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaivimba nawo.And they shall eat up thine harvest, and thy bread, which thy sons and thy daughters should eat: they shall eat up thy flocks and thine herds: they shall eat up thy vines and thy fig trees: they shall impoverish thy fenced cities, wherein thou trustedst, with the sword.
Asi zvanzi naJehovha, Kunyange napamazuva iwayo handingakupedziyi chose.Nevertheless in those days, saith the LORD, I will not make a full end with you.
Zvino kana muchinge munoti, `Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose?' Ipapo uti kwavari, `Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.'And it shall come to pass, when ye shall say, Wherefore doeth the LORD our God all these things unto us? then shalt thou answer them, Like as ye have forsaken me, and served strange gods in your land, so shall ye serve strangers in a land that is not yours.
Taurirai izvozvi paimba yaJakobho, muzviparidzire paJudha, muchiti,Declare this in the house of Jacob, and publish it in Judah, saying,
Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.Hear now this, O foolish people, and without understanding; which have eyes, and see not; which have ears, and hear not:
Zvanzi naJehovha, `Hamundityi here?' Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganho wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi.Fear ye not me? saith the LORD: will ye not tremble at my presence, which have placed the sand for the bound of the sea by a perpetual decree, that it cannot pass it: and though the waves thereof toss themselves, yet can they not prevail; though they roar, yet can they not pass over it?
Asi vanhu ava vanomoyo wakasindimara unoramba kunzwa; vakatsauka, ndokuenda.But this people hath a revolting and a rebellious heart; they are revolted and gone.
Havati mumoyo yavo, `Zvino ngatitye Jehovha Mwari wedu, unotipa panguva yazvo mvura yokutanga neyokupedzisira, iye unotichengetera mavhiki akatarwa okukohwa.'Neither say they in their heart, Let us now fear the LORD our God, that giveth rain, both the former and the latter, in his season: he reserveth unto us the appointed weeks of the harvest.
Zvakaipa zvenyu zvakatsausa izvozvi, kutadza kwenyu kwakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zvirege kuuya kwamuri.Your iniquities have turned away these things, and your sins have withholden good things from you.
Nokuti vanhu vakaipa varipo pakati pavanhu vangu; vanorindira, savanogarira shiri; vanoteya misungo, vanobata vanhu.For among my people are found wicked men: they lay wait, as he that setteth snares; they set a trap, they catch men.
Sedendere, rizere neshiri, saizvozvo dzimba dzavo dzizere nokunyengera; nemhaka iyo vakura, vafuma.As a cage is full of birds, so are their houses full of deceit: therefore they are become great, and waxen rich.
Vakora, vanobwinya; zvirokwazvo vanokurira vamwe namabasa akaipa; havatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti vagare zvakanaka; havaruramisiri vanoshaiwa.They are waxen fat, they shine: yea, they overpass the deeds of the wicked: they judge not the cause, the cause of the fatherless, yet they prosper; and the right of the needy do they not judge.
Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?Shall I not visit for these things? saith the LORD: shall not my soul be avenged on such a nation as this?
Chinhu chinoshamisa chinosemesa chakaitwa panyika ino;A wonderful and horrible thing is committed in the land;
vaporofita va noporofita nhema, navapirisiti vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?The prophets prophesy falsely, and the priests bear rule by their means; and my people love to have it so: and what will ye do in the end thereof?