Johani 14
John 14 · 31 verses
1Moyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMwari, mutende vo kwandiri.
2Mumba maBaba vangu munenzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara.
3Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozovuya zve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapo vo.
4Pandinoenda, munopaziva nenzira munoiziva.
5Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?
6Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu; hapana munhu unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.
7Dai makanga muchindiziva, mungadai maiziva vo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.
8Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana.
9Jesu akati kwaari: Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipo? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti: Tiratidzei Baba?
10Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo.
11Nditendei kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri; kana kusikudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene.
12Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaita vo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu.
13Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti Baba vakudzwe muMwanakomana.
14Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.
15Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
16Neni ndichakumbira Baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi;
17ndiye Mweya wazvokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti ugere nemi, uchava mukati menyu.
18Handingakusiyiyi muri nherera; ndinovuya kwamuri.
19Kuchinenguva duku, nyika haichazondivoni; asi imi munondivona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemivo muchava vapenyu.
20Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri.
21Unemirairo yangu, akaichengeta,, ndiye unondida; unondida uchadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda vo, ndichazviratidza kwaari.
22Judhasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?
23Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu; naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari.
24Usingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, arizi rangu, asi nderababa vakandituma.
25Zvinhu izvozvi ndakakuvudzai ndichigere nemi.
26Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyevudzirai zvose, zvandakareva kwamuri.
27Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu handikupiyi sokupa kwenyika. Moyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.
28Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera zve kwamuri. Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vakuru kwandiri.
29Zvino ndakuvudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda.
30Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika unovuya; asi haanechinhu kwandiri;
31asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, vuye kuti sezvandakarairwa naBaba, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.