Bhaibheri

Johani 13

John 13 · 38 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.

2Zvino vakati vapedza kurayira, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;

3Jesu achiziva kuti Baba vakamupa zvinhu zvose mumavoko ake, vuye kuti wakabva kuna Mwari vuye kuti anoenda kunaMwari;

4akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chivuno.

5Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipisika nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.

6Akasvika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?

7Jesu akapindura, akati kwaari: Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.

8Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisingakushambidzi, haunomugove neni.

9Simoni Petro akati kwaari, Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi mavoko angu nomusoro wangu vo.

10Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba makumbo bedzi ipapo watonatswa iye wose. Imi makanaka asi hamuzi mose.

11Nokuti wakanga achiziva uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna kunaka mose.

12Zvino wakati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguvo dzake, akagara zve, akati kwavari: Munoziva zvandakakuitirai here?

13Munondiidza Mudzidzisi, vuye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.

14Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi vo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

15Ndikakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.

16Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake vuye wakatumwa Haazi mukuru kuno wakamutuma.

17Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.

18Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanagura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya chingwa neni, akandisimudzira chitsitsinho chake.

19Kubva zvino ndinokuvudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini.

20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti, kwamuri: Unogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, nounondigamuchira ini, unogamuchira wakandituma.

21Zvino Jesu wakati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira.

22Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani.

23Zvino mumwe wavadzidzi vake wakanga akasendamira pachifuva chaJesu, waidikanwa naJesu.

24Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Tivudzei kuti ndianiko waanoreva.

25Iye akasendama pachifuva chaJesu akati kwaari: Ishe, ndianiko?

26Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva. Zvino wakati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti.

27Iye wakati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.

28Asi kwakanga kusinomumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, wakaziva kuti wakareverei izvozvi kwaari.

29Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara anechikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.

30Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; bwakanga bwuri vusiku.

31Zvino wakati abuda, Jesu akati: Zvino Mwanakomana womunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari,.

32kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudza ari maari, uchamukudza pakarepo.

33Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti: Pandinoenda, imi hamungavuyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuri vo.

34Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemimudane vo saizvozvo.

35Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo pakati penyu.

36Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoende piko? Jesu akapindura, akati: Kwandinoenda, haunganditeveri zvino; asi uchanditevera pashure.

37Petro, akati kwaari: Ishe, handingakuteveriyi zvino neiko? Ndichakufirai ini.

38Jesu akapindura, akati: uchandifira here? zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri Jongwe haringariri, usati wandiramba katatu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.