Bhaibheri

Johani 16

John 16 · 33 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvinhu izvi ndakakuvudzai, kuti murege kugumburwa.

2Vachakubudisai mumasinagoge; asi nguva inosvika, mumwe nomumwe wakakuvurayai, uchati unobatira Mwari basa.

3Zvinhu izvozvi vachazviita kwamuri,nokuti havana kuziva baba, kana ini.

4Asi ndakakuvudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozvirangarira, kuti ndakakuvudzai. Handina kukuvudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi.

5asi zvino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumwe wenyu unondibvunza, achiti: Munoendepiko?

6Asi zvino moyo yenyu yafa neshungu zvandakakuvudzai izvi.

7Asi ini ndinokuvudzai zvokwadi, kana ndichiti; Zvirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangavuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

8Iye kana asvika, uchazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa;

9pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri;

10pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaBaba vangu hamungazondivoni;

11pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino watongwa.

12Ndine zvizhinji zvandinoda kukuvudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.

13Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.

14Uchandikudza, nokuti uchatora pane zvangu, akakuparidzai izvo.

15Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati: Uchatora pane zvangu, akaratidza kwamuri.

16Chinguva chiduku chasara, hamuchazondivoni; vuye zve chinguva chiduku, muchandivona nokuti ndinoenda kunaBaba.

17Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana,vachiti: Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti: Chinguva chiduku chasara, hamuchazondivoni; vuye zve, chinguva chiduku, muchandivona, vuye: Nokuti ndinoenda kunaBaba?

18Naizvozvo vakati: Chinyiko chaanoti: Chasara chinguva chiduku? Hatizivi chaanotaura.

19Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti: Chasara chinguva chiduku, hamuchazondivoni; vuye zve, chinguva chiduku, muchandivona?

20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichashanduka mufaro.

21Mukadzi kana achipona, unonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika.

22Nemi zvino muneshungu; asi ndichakuvonai zve, nomoyo yenyu ichafara; hakunomunhu ungakutorerai mufaro wenyu.

23Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Zvose zvamunenge muchakumbira kunaBaba, vachakupai izvo muzita rangu.

24Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.

25Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inovuya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzirai pachena zvaBaba;

26Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuvudziyi, kuti ndichakunyengeterera ini kunaBaba;

27nokuti Baba vamene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaBaba.

28Ndakabva kunaBaba, ndikavuya panyika; ndinobva zve panyika, ndichienda kunaBaba.

29Vadzidzi vake vakati: Tarirai, zvino motaura pachena, hamucharevi nemifananidzo.

30Zvino toziva, kuti munoziva zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda naizvozvi kuti makabva kunaMwari.

31Jesu akavapindura, akati: Motenda zvino here?

32Tarirai, nguva inovuya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kunezvake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Baba vaneni.

33Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.