Bhaibheri

Johani 17

John 17 · 26 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jesu wakataura izvozvi, akatarira kudenga, akati: Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi,

2sezvamakamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape vupenyu bwusingaperi.

3Vupenyu bwusingaperi ndibwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.

4Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite.

5Zvino imi baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.

6Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, makandipa ivo, vakachengeta shoko renyu.

7Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri.

8Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi.

9Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndivo venyu.

10Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakakudzwa mavari.

11Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinovuya kwamuri Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.

12Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, vamakandipa; ndikavarinda panyika, hapanomumwe wavo wakarashika, asi mwanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike.

13Asi zvino ndovuya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari.

14Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.

15Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete kuno wakaipa

16Havazi venyika, seni ndisi wenyika,

17Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi.

18Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika.

19Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muzvokwadi.

20Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vachatenda vo kwandiri neshoko ravo.

21kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.

22Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, nesu tiri vamwe;

23ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, vuye kuti makavada, sezvamakandida ini.

24Baba, ndinoda kuti avo vamakandipa, vave vo neni apo pandiri, kuti vavone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.

25Baba vakarurama, nyika hainakukuzivai; asi ini ndakakuzivai; naivava vakaziva kuti makandituma.

26Ndakavazivisa zita renyu, vuye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.