Bhaibheri

Johani 7

John 7 · 53 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shure kwaizvozvo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuvuraya.

2Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedo.

3Naizvozvo vanun’una vake vakati kwaari: Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vavone vo mabasa ako aunoita.

4Nokuti hakuno munhu unoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikamwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.

5Nokuti navanun’una vake vakanga vasingatendi kwaari.

6Ipapo Jesu akati kwavari: Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.

7Nyika haingakuvengiyi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa.

8Kwirai kumutambo imi, ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.

9Wakati areva izvozvo kwavari, akagara Garirea.

10Zvino vanun’una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwira vo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.

11Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripiko iye?

12Kun’un’una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti: Wakanaka; vamwe vachiti: Kwete, unotsausa vanhu vazhinji.

13Kunyange zvakadaro kwakanga kusinomunhu waitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha.

14Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akatanga kudzidzisa.

15Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti: Munhu uyu unoziva seiko manyoro, zvaasina kumbodzidza?

16Jesu akapindura, akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi ndokwo wakandituma.

17Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva kana dzidziso ichibva kunaMwari, kana ndichazvitaurira ndimene.

18Unozvitaurira, unotsvaka kukudzwa kwake; asi unotsvaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye wazvokwadi, hapana kusarurama maari.

19Mosesi haana kukupai murairo here? Asi hakunomumwe wenyu unoita murairo. Munotsvakireiko kundivuraya?

20Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti: Unomweya wakaipa iwe; ndianiko unotsvaka kukuvuraya?

21Jesu akapindura, akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose.

22Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu nesabata.

23Zvino kana munhu angadzingiswa nesabata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu zvakakwana.

24Musatonga nezvinovonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.

25Zvino vamwe veJerusarema vakati: Ko haazi iye wavaitsvaka kuvuraya here?

26Tarirai, unotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kanhi kuti ndiye Kristu?

27Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakunomunhu ungaziva kwaanobva.

28Zvino Jesu akadanidzira mutembere, akadzidzisa, achiti: Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuvuya ini ndimene, asi wakandituma ndiye wazvokwadi, wamusingazivi imi.

29Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye wakandituma.

30Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi kwakanga kusinomunhu wakaisa ruvoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

31Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achizosvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here.

32Zvino vaFarise vakanzwa vanhu vazhinji vachin’un’una izvozvo pamusoro pake; vaPirisita vakuru navaFarise vakatuma vatariri kundomubata.

33Ipapo Jesu akati kwavari: Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kuno wakandituma.

34Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; vuye apo pandiri, imi hamungasvikipo.

35Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti: Uyu unoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko unoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaHedheni, kuti andodzidzisa vaGiriki here?

36Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, vuye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?

37Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu wakamira, akadanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ngaavuye kwandiri, amwe.

38Unotenda kwandiri, sezvazvakarebwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.

39Asi izvi wakareva zvoMweya, waizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya Mutsvene wakanga asati wavapo, nokuti Jesu wakanga asati akudzwa.

40Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa vakati: Zvirokwazvo uyu muporofita.

41Vamwe vakati: ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Garirea here?

42Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu uchabva, kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBhetirehemu, paiva naDhavhidhi?

43Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji.

44Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina wakaisa mavoko kwaari.

45Zvino vatariri vakavuya kuvaPirisita vakuru nokuvaFarise, ivo vakati kwavari: Makaregereiko kuvuya naye?

46Vatariri vakapindura, vakati: Hakuno munhu wakatongotaura somunhu uyu.

47Naizvozvo vaFarise vakavapindura, vakati: Nemi vo matsauswa kanhi?

48Kuvakuru nokuvaFarise kuno mumwe wakatongotenda kwaari here?

49Asi vanhu ava vasingazivi murairo, vakatukwa.

50Nikodimo, (uya akavuya kwaari, waiva mumwe wavo, akati kwavari:

51Murairo wedu unotonga munhu, usati wambomunzwa, nokuziva chaanoita here?

52Vakapindura, vakati kwaari: Ko newe vo uri weGarirea here? Nzvera,uvone kuti hakuno muporofita, unobva Garirea.

53[Ipapo mumwe nomumwe wakaenda kumba kwake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.