Bhaibheri

Johani 6

John 6 · 71 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shure kwaizvozvo Jesu wakaenda mhiri kwegungwa reGarirea, ndiro reTiberiasi.

2Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, nokuti vakavona zviratidzo zvaaita kuvarwere.

3Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake.

4Paseka mutambo wavaJudha, wakanga uri pedo.

5Zvino wakati achitarira, akavona vanhu vazhinji zhinji vachivuya kwaari, akati kuna Firipo: Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?

6Wakareva izvozvo achimuidza, nokuti iye wakaziva amene zvaakanga achida kuita.

7Firipo akamupindura achiti: Zvingwa zvamadenari anamazana maviri* hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.

8Zvino mumwe wavadzidzi vake, Andreasi, munun’una waSimoni Petro, akati kwaari:

9Pano panomukomana, unezvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri; asi izvi zvingakwanira sei vanhu vazhinji vakadai?

10Jesu akati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakanga kunovuswa bwuzhinji ipapo. Naizvozvo varume vakagara pasi, kuwanda kwavo kunenge zvuru zvishanu.

11Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehove vo saizvozvo pavaida napo.

12Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake; Vunganidzai zvimedu zvakasara, kuti kurege kurashika chinhu.

13Ipapo vakazvivunganidza, vakazadza matengu anegumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebari, zvakanga zvasara kuna vakadya.

14Zvino vanhu vakati vavona chiratidzo chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye uya muporofita, unovuya panyika.

15Zvino Jesu, zvaakaziva kuti vodo kuvuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabva zve akaenda mugomo ari oga.

16Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa;

17vakapinda mugwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapernaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu wakanga asati asvika kwavari.

18Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta.

19Zvino vakati vakwasva zvikuru mastadia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu,* vakavona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pedo negwa; vakatya.

20Asi iye akati kwavari: Ndini, musatya.

21Zvino vakafara kumugamuchira mugwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.

22Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakavona kuti pakanga pasine rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, vuye kuti Jesu haana kupinda mugwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.

23(Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tiberiasi, akasvika pedo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga).

24Zvino vanhu vazhinji vakati vavona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapernaume, vachitsvaka Jesu.

25Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi, mavuya pano riniko?

26Jesu akavapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hamunditsvaki nokuti makavona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.

27Musabatira zvokudya zvinopera, asi zvokudya zvinogara kuvupenyu bwusingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu; nokuti Baba, vakaisa chisimbiso kwaari.

28Zvino vakati kwaari: Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?

29Jesu akapindura, akati kwavari: Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.

30Zvino vakati kwaari: Munoita chiratidzo chipiko, kuti tivone, tikutendei? Imi munobateiko?

31Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga, kuti vadye.

32Zvino Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Wakanga asi iye Mosesi, wakakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chazvokwadi, chinobva kudenga.

33Nokuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga, unopa nyika vupenyu.

34Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.

35Jesu akati kwavari: Ndini chingwa chovupenyu; unovuya kwandiri, haangatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

36Asi ndakakuvudzai, kuti makandivona, asi hamutendi.

37Zvose Baba zvavanondipa zvichavuya kwandiri; nounovuya kwandiri, handingatongomurashiri kunze.

38Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.

39Uku ndiko kuda kwababa vakandituma kuti, pazvose zvaakandipa, ndisarasikirwa nechinhu, asi kuti ndichimutse nezuva rokupedzisira.

40Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave novupenyu bwusingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

41Zvino vaJudha vakan’un’una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kudenga.

42Vakati: Uyu haazi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino ungagoti seiko: Ndakaburuka kudenga.

43Jesu akapindura, akati kwavari: Musan’un’una pakati penyu.

44Hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

45Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe wakazvinzwa kunaBaba, akadzidza, unovuya kwandiri.

46Handirevi kuti kuno munhu wakavona Baba; asi uyo uri waMwari, ndiye wakavona Baba.

47Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, kwandiri unovupenyu bwusingaperi.

48Ndini chingwa chovupenyu.

49Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa.

50ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa.

51Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi; uchararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, bwuve vupenyu bwenyika.

52Zvino vaJudha vakakakavadzana pakati pavo, vachiti: Munhu uyu ungatipa seiko nyama yake, tidye?

53Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokumwa ropa rake, hamunovupenyu mamuri.

54Aninani unodya nyama yangu, nounomwa ropa rangu, unovupenyu bwusingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

55Nokuti nyama yangu izvokudya chaizvo, neropa rangu zvokumwa chaizvo.

56Unodya nyama yangu, nounomwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.

57Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichararama naBaba; saizvozvo unondidya, uchararama neni.

58Ichi chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya mana akafa; unodya chingwa ichi uchararama nokusingaperi.

59Wakareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapernaume.

60Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndianiko ungarinzwa?

61Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumoyo make kuti vadzidzi vake vanon’un’una neshoko irero, akati kwavari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi?

62Muchagodiniko kana muchivona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?

63Mweya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya novupenyu.

64Asi vamwe venyu variko vasingatendi, nokuti Jesu wakanga achiziva kubva pakutanga, kuti vaisatenda ndivanani, vuye kuti ndiani waizomupandukira,

65Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana asina kuzvipiwa naBaba.

66Kubva panguva iyo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye,

67Jesu akati kuna vanegumi navaviri: Nemi muchaendawo here?

68Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichagoenda kunaniko? Ndimi muna mashoko ovupenyu bwusingaperi,

69Isu takatenda vuye tine chokwadi kuti ndimwi uya Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.

70Jesu akapindura akati: handina kukusanangurai, imi vanegumi navaviri here? asi mumwe wenyu ndowa Dhiabhurosi.

71Wakareva Judhasi, Isikarioti, mwanakomana waSimoni, nokuti iye ndiye waizomupandukira, ari mumwe wavanegumi navaviri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.