Johani 9
John 9 · 41 verses
1Jesu wakati achipfuvura, akavona munhu wakanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake.
2Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti: Rabhi, ndianiko wakatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?
3Jesu akapindura, akati: Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari avoneswe maari.
4Ndinofanira kubatebasa rowakandituma, achiri masikati; vusiku bwunovuya, bwusingagoni munhu kubate basa nabwo.
5Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
6Wakati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope rawo pameso ake,
7akati kwaari: Enda undoshamba mudziva reSiroami, (ndokuti, kana zvichishandurwa, Kutumwa), Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achivona.
8Vakanga vagere naye, navaimuvona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati: Ko uyu haazi iye waigara achikumbira here?
9Vamwe vakati: Ndiye; vamwe vakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini.
10Zvino vakati kwaari: Meso ako akasvinudzwa seiko?
11Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami, undoshamba; naizvozvo ndikaenda, ndikashamba, ndikavona.
12Vakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handizivi.
13Vakamuisa kuvaFarise, iye wakanga ari bofu kare.
14Zvino raiva sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake.
15Zvino vaFarise vakamubvunza zve, kuti wakavoneswa sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu, ndikandoshamba, ndikavona.
16Zvino vamwe vavaFarise vakati: Munhu uyu haazi waMwari, nokuti haachengeti sa bata. Asi vamwe vakati: Ko munhu mutadzi ungaita seiko zviratidzo zvakadai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.
17Zvino vakati zve kubofu; Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
18Naizvozvo vaJudha havanakutenda pamusoro pake, kuti wanga ari bofu, akazovona, kusvikira vadana vabereki vowakavoneswa.
19vakavabvunza, vachiti: Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti wakaberekwa riri bofu here? Zvino unogovona seiko?
20Vabereki vake vakapindura, vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, vuye kuti wakaberekwa riri bofu;
21asi hatizivi kuti zvino wovona sei; nowakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; waaruka, uchazvirevera hake.
22Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuno munhu unotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
23Naizvozvo.akati: Waaruka hake, mubvunzei henyu.
24Zvino vakamudana zve rwechipri,iye munhu wakanga ari bofu, vakati kwaari: Rumbidza Mwari; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
25Ipapo iye akapindura, akati: Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndovona.
26Ipapo vakati kwaari: Wakakuiteiko? Wakasvinudza meso ako sei?
27Akavapindura, akati: ndatokuvudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwa zve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vake vo kanhi?
28Vakamutuka, vachiti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi.
29Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.
30Iye munhu akapindura, akati kwavari: Nyambere chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange zvakadaro wakasvinudza meso angu.
31Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishumira Mwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye.
32Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe wakasvinudza meso omunhu wakaberekwa riri bofu.
33Dai uyu asati ari waMwari, haazaigona kuita chinhu.
34Vakapindura, vakati kwaari: Iwe wakaberekerwa kwazvo muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa su? Vakamudzingira kunze.
35Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here
36Akapindura, akati: Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari?
37Jesu akati kwaari: Wamuvona, vuye, ndiye unotaura newe.
38Ipapo akati: Ndinotenda, Ishe. Akamunamata.
39Jesu akati: Kutonga ndiko kwandakavuyira panyika ino, kuti vasingavoni, vavone; navanovona vave mapofu.
40Avo vavaFarise vaiva naye, vakazvinzwa, vakati kwaari: Ko nesu vo tiri mapofu here?
41Jesu akati kwavari: dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi, asi zvino munoti: Tinovona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.