Johani 10
John 10 · 42 verses
1Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi nomukova mudanga ramakwai, asi unokwira nokumwe, imbavha negororo.
2Asi unopinda napamukova, ndiye mufudzi wamakwai.
3Murindi womukova unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unodana makwai ake namazita awo, nokuakokera kunze.
4Kana abudisa makwai ake ose, unoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
5Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni.
6Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei.
7Zvino Jesu akati kwavari zve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ndini mukova wamakwai.
8Vose vakanditangira kuvuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9Ndini mukova; kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, uchabuda, uchawana mafuro.
10Mbavha inongovuya, kuti ibe nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave novupenyu, vuye ave nobwakawanda.
11Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake vupenyu bwake.
12Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, unosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuaparadzira;
13Muranda unotiza:zvaari muranda haanehanya namakwai.
14Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini,
15Baba sezvavanondiziva, saizvozvo nenivo ndinoziva Baba; ndinorashira makwai angu vupenyu bwangu.
16Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuvuya nawo vo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.
17Saka Baba vanondida, nokuti ndinorasha vupenyu bwangu, ndigobwutora zve.
18Hakuno munhu unganditorera ibwo; asi ndinobwurasha ndimene. Ndine simba rokubwurasha, vuye ndinesimba rokubwutora zve. Uyu murairo ndakaupiwa nababa vangu.
19Ipapo kupesana kukamuka zve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo.
20Vazhinji vavo vakati: Unomweya wakaipa, unopenga; munomuterereiko?
21Vamwe vakati: Mashoko awa haasati ari omunhu wakabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?
22Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetembere paJerusarema; chaiva chando.
23Jesu akafamba mutembere pabiravira raSoromoni.
24Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Uchativetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena.
25Jesu akavapindura akati: Ndakakuvudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurira ini.
26Asi imi hamutendi, sezvandakareva nokuti hamuzi vamakwai angu.
27Makwai angu anonzwa inzwi rangu; neni ndinoaziva, vuye anonditevera.
28Ndinoapa vupenyu bwusingaperi; haangafi nokusingaperi, vuye hakunomunhu ungaabvuta muruvoko rwangu.
29Baba vangu vakandipa iwo vakuru kunavose; hakuno munhu unogona kuabvuta muruvoko rwaBaba vangu.
30Ini naBaba vangu tiri mumwe.
31Zvino vaJudha vakanonga zve mabwe, kuti vamutake.
32Jesu akavapindura, akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kunaBaba; munonditakira basa ripiko kuna iwayo?
33VaJudha vakamupindura, vakati: Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye nokuti iwe munhu unozviita Mwari.
34Jesu akavapindura, akati; Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ndakati: Muri vamwari?
35Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi);
36imi moti seiko kunaiye wakaitwa mutsvene naBaba, nokutumwa panyika: unomhura Mwari, zvandakati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
37asi kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda ini;
38asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, kuti mugoziva, kuti Baba vari mandiri, neni ndiri mavari.
39Zvino vakatsvaka zve kumubata, asi iye wakapukunyuka pamavoko avo.
40Zvino akaenda zve mhiri kwaJoridhani, paya paibhabhatidza Johane pakutanga; akagarapo,
41Vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johane haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johane pamusoro pomurume uyu ndezvazvokwadi.
42Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.