Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaswedera kumupirisiti Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri,Then came near the heads of the fathers of the Levites unto Eleazar the priest, and unto Joshua the son of Nun, and unto the heads of the fathers of the tribes of the children of Israel;
vakataura navo paShiro panyika yeKenani, vakati, Jehovha wakaraira nomuromo waMozisi, kuti tipiwe maguta matingagara, namafuro awo emombe dzedu.And they spake unto them at Shiloh in the land of Canaan, saying, The LORD commanded by the hand of Moses to give us cities to dwell in, with the suburbs thereof for our cattle.
Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta awa namafuro awo, sezvavakanga varairwa naJehovha.And the children of Israel gave unto the Levites out of their inheritance, at the commandment of the LORD, these cities and their suburbs.
Mhuri dzavaKohati dzikagoverwa nemijenya; vana vomupirisiti Aroni vaiva vavaRevhi vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pakati porudzi rwaJudha, norwaSimiyoni, norwaBhenjamini.And the lot came out for the families of the Kohathites: and the children of Aaron the priest, which were of the Levites, had by lot out of the tribe of Judah, and out of the tribe of Simeon, and out of the tribe of Benjamin, thirteen cities.
Asi vamwe vavana vaKohati vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi pakati pemhuri dzorudzi rwaEfuremu, norudzi rwaDhani, nehafu yorudzi rwaManase.And the rest of the children of Kohath had by lot out of the families of the tribe of Ephraim, and out of the tribe of Dan, and out of the half tribe of Manasseh, ten cities.
Vana vaGerishoni vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsakari, norudzi rwaAsheri, norudzi rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.And the children of Gershon had by lot out of the families of the tribe of Issachar, and out of the tribe of Asher, and out of the tribe of Naphtali, and out of the half tribe of Manasseh in Bashan, thirteen cities.
Vana vaMerari nemhuri dzavo vakapiwa maguta ane gumi namaviri pakati porudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi, norudzi rwaZebhuruni.The children of Merari by their families had out of the tribe of Reuben, and out of the tribe of Gad, and out of the tribe of Zebulun, twelve cities.
Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo nemijenya, sezvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.And the children of Israel gave by lot unto the Levites these cities with their suburbs, as the LORD commanded by the hand of Moses.
Vakavapa maguta iwayo, akarehwa mazita awo pano, pakati porudzi rwavana vaJudha, norudzi rwavana vaSimiyoni.And they gave out of the tribe of the children of Judah, and out of the tribe of the children of Simeon, these cities which are here mentioned by name,
Akava avana vaAroni, vemhuri dzavaKohati, vaiva vana vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya,Which the children of Aaron, being of the families of the Kohathites, who were of the children of Levi, had: for theirs was the first lot.
Vakavapa Kiriati-abha, iye Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni), panyika yamakomo yaJudha, namafuro aro akanga akaripoteredza.And they gave them the city of Arba the father of Anak, which city is Hebron, in the hill country of Judah, with the suburbs thereof round about it.
Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.But the fields of the city, and the villages thereof, gave they to Caleb the son of Jephunneh for his possession.
Vakapa vana vomupirisiti Aroni Hebhuroni namafuro aro, rakanga riri guta routiziro romuurayi, uye Ribhina namafuro aro,Thus they gave to the children of Aaron the priest Hebron with her suburbs, to be a city of refuge for the slayer; and Libnah with her suburbs,
neJatiri namafuro aro, neEshitemoa namafuro aro,And Jattir with her suburbs, and Eshtemoa with her suburbs,
neHoroni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro,And Holon with her suburbs, and Debir with her suburbs,
neAini namafuro aro, neJuta namafuro aro, neBheti-shemeshi namafuro aro; maguta mapfumbamwe pakati pamarudzi iwayo maviri.And Ain with her suburbs, and Juttah with her suburbs, and Beth-shemesh with her suburbs; nine cities out of those two tribes.
Napakati porudzi rwaBhenjamini Gibhiyoni namafuro aro, neGebha namafuro aro,And out of the tribe of Benjamin, Gibeon with her suburbs, Geba with her suburbs,
neAnatoti namafuro aro, neArinoni namafuro aro; maguta mana.Anathoth with her suburbs, and Almon with her suburbs; four cities.
Maguta ose avana vaAroni mupirisiti akanga ari maguta ane gumi namatanhatu namafuro awo.All the cities of the children of Aaron, the priests, were thirteen cities with their suburbs.
Mhuri dzavana vaKohati, ivo vaRevhi vakanga vasara vavana vaKohati, vakapiwa maguta avo nemijenya pakati porudzi rwaEfuremu.And the families of the children of Kohath, the Levites which remained of the children of Kohath, even they had the cities of their lot out of the tribe of Ephraim.
Vakavapa Shekemu namafuro aro panyika yamakomo yaEfuremu, raiva guta routiziro romuurayi, neGezeri namafuro aro,For they gave them Shechem with her suburbs in mount Ephraim, to be a city of refuge for the slayer; and Gezer with her suburbs,
neKibhizaimi namafuro aro, neBheti-horoni namafuro aro; maguta mana.And Kibzaim with her suburbs, and Beth-horon with her suburbs; four cities.
Napakati porudzi rwaDhani, Eriteki namafuro aro, neGebhitoni namafuro aro,And out of the tribe of Dan, Eltekeh with her suburbs, Gibbethon with her suburbs,
neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta mana.Aijalon with her suburbs, Gath- rimmon with her suburbs; four cities.
Napakati pehafu yorudzi rwaManase, Taanaki namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta maviri.And out of the half tribe of Manasseh, Tanach with her suburbs, and Gath-rimmon with her suburbs; two cities.
Maguta ose emhuri dzavakanga vasara vavana vaKohati aiva gumi namafuro awo.All the cities were ten with their suburbs for the families of the children of Kohath that remained.
Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.And unto the children of Gershon, of the families of the Levites, out of the other half tribe of Manasseh they gave Golan in Bashan with her suburbs, to be a city of refuge for the slayer; and Beesh-terah with her suburbs; two cities.
Napakati porudzi rwalsakari, Kishioni namafuro aro, neDhabherati namafuro aro,And out of the tribe of Issachar, Kishon with her suburbs, Dabareh with her suburbs,
neJarimuti namafuro aro, neEni-ganimi namafuro aro; maguta mana.Jarmuth with her suburbs, En-gannim with her suburbs; four cities.
Napakati porudzi rwaAsheri, Mishari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro,And out of the tribe of Asher, Mishal with her suburbs, Abdon with her suburbs,
neHerikati namafuro aro, neRehobhi namafuro aro; maguta mana.Helkath with her suburbs, and Rehob with her suburbs; four cities.
Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti-dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.And out of the tribe of Naphtali, Kedesh in Galilee with her suburbs, to be a city of refuge for the slayer; and Hammoth-dor with her suburbs, and Kartan with her suburbs; three cities.
Maguta ose avaGerishoni, nemhuri dzavo, akanga ari maguta ane gumi namatatu namafuro awo.All the cities of the Gershonites according to their families were thirteen cities with their suburbs.
Mhuri dzavana vaMerari, ivo vakanga vasara kuvaRevhi, vakavapa pakati porudzi rwaZebhuruni, Jokineamu namafuro aro, neKatira namafuro aro,And unto the families of the children of Merari, the rest of the Levites, out of the tribe of Zebulun, Jokneam with her suburbs, and Kartah with her suburbs,
neDhimuna namafuro aro, neNaharari namafuro aro; maguta mana.Dimnah with her suburbs, Nahalal with her suburbs; four cities.
Napakati porudzi rwaRubheni, Bhezeri namafuro aro, neJahazi namafuro aro,And out of the tribe of Reuben, Bezer with her suburbs, and Jahazah with her suburbs,
neKedhemoti namafuro aro, neMofaati namafuro aro; maguta mana.Kedemoth with her suburbs, and Mephaath with her suburbs; four cities.
Napakati porudzi rwaGadhi, Ramoti muGiriyadhi namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neMahanaimu namafuro aro,And out of the tribe of Gad, Ramoth in Gilead with her suburbs, to be a city of refuge for the slayer; and Mahanaim with her suburbs,
neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro; iwo ose maguta mana.Heshbon with her suburbs, Jazer with her suburbs; four cities in all.
Maguta awa ose akanga ari avana vaMerari, nemhuri dzavo, ivo vakanga vasara vemhuri dzavaRevhi; mugove wavo wakanga uri maguta ane gumi namaviri.So all the cities for the children of Merari by their families, which were remaining of the families of the Levites, were by their lot twelve cities.
Maguta ose avaRevhi pakati penhaka yavana vaIsiraeri aiva maguta ana makumi mana namasere namafuro awo.All the cities of the Levites within the possession of the children of Israel were forty and eight cities with their suburbs.
Maguta awa ose akanga ana mafuro awo, guta rimwe nerimwe; ndizvo zvakanga zvakaita maguta iwayo ose.These cities were every one with their suburbs round about them: thus were all these cities.
Saizvozvo Jehovha akapa vaIsiraeri nyika yose yaakanga apika, kuti uchaipa madzibaba avo; ikava yavo, vakagaramo.And the LORD gave unto Israel all the land which he sware to give unto their fathers; and they possessed it, and dwelt therein.
Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha wakaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.And the LORD gave them rest round about, according to all that he sware unto their fathers: and there stood not a man of all their enemies before them; the LORD delivered all their enemies into their hand.
Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsiraeri chakakona; zvose zvakaitika.There failed not ought of any good thing which the LORD had spoken unto the house of Israel; all came to pass.