Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase,Then Joshua called the Reubenites, and the Gadites, and the half tribe of Manasseh,
akati kwavari, Makaita zvose zvamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, nokuteererawo inzwi rangu pazvose zvandakakurairai;And said unto them, Ye have kept all that Moses the servant of the LORD commanded you, and have obeyed my voice in all that I commanded you:
hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvikira nhasi, asi makaita chirevo chamakarairwa naJehovha Mwari wenyu.Ye have not left your brethren these many days unto this day, but have kept the charge of the commandment of the LORD your God.
Zvino Jehovha Mwari wenyu wakazorodza hama yenyu, sezvaakataura kwavari; naizvozvo zvino dzokai, muende kumatende enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha, mhiri kwaJorodhani.And now the LORD your God hath given rest unto your brethren, as he promised them: therefore now return ye, and get you unto your tents, and unto the land of your possession, which Moses the servant of the LORD gave you on the other side Jordan.
Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.But take diligent heed to do the commandment and the law, which Moses the servant of the LORD charged you, to love the LORD your God, and to walk in all his ways, and to keep his commandments, and to cleave unto him, and to serve him with all your heart and with all your soul.
Zvino Joshua akavaropafadza, akavaendesa; vakaenda kumatende avo.So Joshua blessed them, and sent them away: and they went unto their tents.
Zvino Mozisi wakanga apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJorodhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo.Now to the one half of the tribe of Manasseh Moses had given possession in Bashan: but unto the other half thereof gave Joshua among their brethren on this side Jordan westward. And when Joshua sent them away also unto their tents, then he blessed them,
Akataura navo, akati, Dzokerai kumatende enyu mune fuma zhinji nemombe zhinji kwazvo, nesirivha, nendarama nendarira, namatare, nenguvo zhinji, mugovane nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.And he spake unto them, saying, Return with much riches unto your tents, and with very much cattle, with silver, and with gold, and with brass, and with iron, and with very much raiment: divide the spoil of your enemies with your brethren.
Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana vaIsiraeri paShiro munyika yeKenani, vakaenda kunyika yeGiriyadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurayiro waJehovha nomuromo waMozisi.And the children of Reuben and the children of Gad and the half tribe of Manasseh returned, and departed from the children of Israel out of Shiloh, which is in the land of Canaan, to go unto the country of Gilead, to the land of their possession, whereof they were possessed, according to the word of the LORD by the hand of Moses.
Zvino vakati vasvika panyika yapaJorodhani, munyika yeKenani, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari paJorodhani, aritari huru kana ichionekwa.And when they came unto the borders of Jordan, that are in the land of Canaan, the children of Reuben and the children of Gad and the half tribe of Manasseh built there an altar by Jordan, a great altar to see to.
Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka aritari pakaritarisana neKenani, panyika yapaJorodhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri.And the children of Israel heard say, Behold, the children of Reuben and the children of Gad and the half tribe of Manasseh have built an altar over against the land of Canaan, in the borders of Jordan, at the passage of the children of Israel.
Zvino vana vaIsiraeri vakati vachinzwa izvozvo, ungano yose yavana vaIsiraeri vakaungana paShiro, kuti vaende kundorwa navo.And when the children of Israel heard of it, the whole congregation of the children of Israel gathered themselves together at Shiloh, to go up to war against them.
Ipapo vana vaIsiraeri vakatuma Pinehasi, mwanakomana womupirisiti Ereazari, kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGiriyadhi,And the children of Israel sent unto the children of Reuben, and to the children of Gad, and to the half tribe of Manasseh, into the land of Gilead, Phinehas the son of Eleazar the priest,
iye namachinda ane gumi naye, muchinda mumwe weimba imwe neimwe yamadzibaba pakati pamarudzi avaIsiraeri; mumwe nomumwe wavo wakanga ari mukuru wedzimba dzamadzibaba avo pakati pezviuru zvavaIsiraeri.And with him ten princes, of each chief house a prince throughout all the tribes of Israel; and each one was an head of the house of their fathers among the thousands of Israel.
Ivo vakasvika kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGiriyadhi,vakataura navo, vakati,And they came unto the children of Reuben, and to the children of Gad, and to the half tribe of Manasseh, unto the land of Gilead, and they spake with them, saying,
Zvanzi neungano yaJehovha, `Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira aritari, kuti mumukire Jehovha nhasi?'Thus saith the whole congregation of the LORD, What trespass is this that ye have committed against the God of Israel, to turn away this day from following the LORD, in that ye have builded you an altar, that ye might rebel this day against the LORD?
Ko zvakaipa zvePeori zvigere kutiringana here, izvo zvatichigere kuzvinatsa pazviri kusvikira zuva ranhasi, kunyange hosha yakawira ungano yaJehovha,Is the iniquity of Peor too little for us, from which we are not cleansed until this day, although there was a plague in the congregation of the LORD,
zvamoda kutsauka nhasi pakutevera Jehovha? Zvino zvamakamukira Jehovha nhasi, mangwana uchatsamwira ungano yose yaIsiraeri.But that ye must turn away this day from following the LORD? and it will be, seeing ye rebel to day against the LORD, that to morrow he will be wroth with the whole congregation of Israel.
Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, kuti mupiwe nhaka pakati pedu; asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe atari parutivi rweatari yaJehovha Mwari wedu.Notwithstanding, if the land of your possession be unclean, then pass ye over unto the land of the possession of the LORD, wherein the LORD’S tabernacle dwelleth, and take possession among us: but rebel not against the LORD, nor rebel against us, in building you an altar beside the altar of the LORD our God.
Ko Akani, mwanakomana waZera, haana kudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukawira ungano yose yaIsiraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake.Did not Achan the son of Zerah commit a trespass in the accursed thing, and wrath fell on all the congregation of Israel? and that man perished not alone in his iniquity.
Ipapo vana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakapindura, vakati kuvakuru vezviuru vavaIsiraeri,Then the children of Reuben and the children of Gad and the half tribe of Manasseh answered, and said unto the heads of the thousands of Israel,
Mwari, iye Mwari Jehovha, Mwari, iye Mwari Jehovha, iye unoziva, navaIsiraeri vachaziva; kana takamukira Jehovha, kana kumudarikira, (musatiponesa nhasi,)The LORD God of gods, the LORD God of gods, he knoweth, and Israel he shall know; if it be in rebellion, or if in transgression against the LORD, (save us not this day,)
zvatakazvivakira atari, kuti titsauke tirege kutevera Jehovha; kana takazviita kuti tibayire pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa, kana zvipiriso zvoupfu, kana kubayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Jehovha amene ngaabvunzisise pamusoro pazvo;That we have built us an altar to turn from following the LORD, or if to offer thereon burnt offering or meat offering, or if to offer peace offerings thereon, let the LORD himself require it;
azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, `Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu,' vachiti, 'imwi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?'And if we have not rather done it for fear of this thing, saying, In time to come your children might speak unto our children, saying, What have ye to do with the LORD God of Israel?
Nokuti Jehovha wakaita Jorodhani muganhu pakati pedu nemi, imwi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha.For the LORD hath made Jordan a border between us and you, ye children of Reuben and children of Gad; ye have no part in the LORD: so shall your children make our children cease from fearing the LORD.
Saka takati, `Ngatizvigadzire, tizvivakire atari, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo;Therefore we said, Let us now prepare to build us an altar, not for burnt offering, nor for sacrifice:
asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa', kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, `Hamuna mugove kuna Jehovha.'But that it may be a witness between us, and you, and our generations after us, that we might do the service of the LORD before him with our burnt offerings, and with our sacrifices, and with our peace offerings; that your children may not say to our children in time to come, Ye have no part in the LORD.
Naizvozvo takati, `Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya,' isu tichati, `Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.'Therefore said we, that it shall be, when they should so say to us or to our generations in time to come, that we may say again, Behold the pattern of the altar of the LORD, which our fathers made, not for burnt offerings, nor for sacrifices; but it is a witness between us and you.
Mwari atibatsire, tirege kumukira Jehovha, nokutsauka nhasi pakutevera Jehovha, tichavaka atari yezvipiriso zvinopiswa neyezvipiriso zvoupfu, kana yokubayirapo, parutivi rweatari yaJehovha, Mwari wedu, iri pamberi petabhenakeri yake.God forbid that we should rebel against the LORD, and turn this day from following the LORD, to build an altar for burnt offerings, for meat offerings, or for sacrifices, beside the altar of the LORD our God that is before his tabernacle.
Zvino Pinehasi mupirisiti, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo.And when Phinehas the priest, and the princes of the congregation and heads of the thousands of Israel which were with him, heard the words that the children of Reuben and the children of Gad and the children of Manasseh spake, it pleased them.
Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana valsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.And Phinehas the son of Eleazar the priest said unto the children of Reuben, and to the children of Gad, and to the children of Manasseh, This day we perceive that the LORD is among us, because ye have not committed this trespass against the LORD: now ye have delivered the children of Israel out of the hand of the LORD.
Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGiriyadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro.And Phinehas the son of Eleazar the priest, and the princes, returned from the children of Reuben, and from the children of Gad, out of the land of Gilead, unto the land of Canaan, to the children of Israel, and brought them word again.
Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi.And the thing pleased the children of Israel; and the children of Israel blessed God, and did not intend to go up against them in battle, to destroy the land wherein the children of Reuben and Gad dwelt.
Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi vakatumidza atari iyo: Ndicho chapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiye Mwari.And the children of Reuben and the children of Gad called the altar Ed: for it shall be a witness between us that the LORD is God.