Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha azorodza vaIsiraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, naJoshua akwegura, ava namakore mazhinji,And it came to pass a long time after that the LORD had given rest unto Israel from all their enemies round about, that Joshua waxed old and stricken in age.
Joshua akadana vaIsiraeri vose, vakuru vavo navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, Ndakwegura, ndava namakore mazhinji.And Joshua called for all Israel, and for their elders, and for their heads, and for their judges, and for their officers, and said unto them, I am old and stricken in age:
lmi makaona zvose zvakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehovha Mwari wenyu nokuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai.And ye have seen all that the LORD your God hath done unto all these nations because of you; for the LORD your God is he that hath fought for you.
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva.Behold, I have divided unto you by lot these nations that remain, to be an inheritance for your tribes, from Jordan, with all the nations that I have cut off, even unto the great sea westward.
Jehovha Mwari wenyu amene uchadzibudisa pamberi penyu, nokudzidzinga murege kudziona, kuti mupiwe nyika yadzo, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.And the LORD your God, he shall expel them from before you, and drive them from out of your sight; and ye shall possess their land, as the LORD your God hath promised unto you.
Naizvozvo simbai kwazvo kuti muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, murege kutsauka kwazviri kana kurudyi kana kuruboshwe;Be ye therefore very courageous to keep and to do all that is written in the book of the law of Moses, that ye turn not aside therefrom to the right hand or to the left;
kuti murege kuvhengana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureva mazita avamwari vavo, kana kupikisa navo, kana kuvashumira, kana kuvapfugamira;That ye come not among these nations, these that remain among you; neither make mention of the names of their gods, nor cause to swear by them, neither serve them, nor bow yourselves unto them:
asi namatirai Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvikira nhasi.But cleave unto the LORD your God, as ye have done unto this day.
Nokuti Jehovha wakadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba; asi kana murimwi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvikira nhasi.For the LORD hath driven out from before you great nations and strong: but as for you, no man hath been able to stand before you unto this day.
Munhu mumwe kwamuri uchadzinga vanhu vane chiuru chezana, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai, sezvaakakuudzai.One man of you shall chase a thousand: for the LORD your God, he it is that fighteth for you, as he hath promised you.
Naizvozvo chenjerai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.Take good heed therefore unto yourselves, that ye love the LORD your God.
Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira vakasara vendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana navo, mukapinda kwavari, naivo vakapinda kwamuri;Else if ye do in any wise go back, and cleave unto the remnant of these nations, even these that remain among you, and shall make marriages with them, and go in unto them, and they to you:
muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.Know for a certainty that the LORD your God will no more drive out any of these nations from before you; but they shall be snares and traps unto you, and scourges in your sides, and thorns in your eyes, until ye perish from off this good land which the LORD your God hath given you.
Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imwi munoziva mumoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.And, behold, this day I am going the way of all the earth: and ye know in all your hearts and in all your souls, that not one thing hath failed of all the good things which the LORD your God spake concerning you; all are come to pass unto you, and not one thing hath failed thereof.
Zvino sezvamakaitirwa izvo zvinhu zvose zvakanaka, zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, saizvozvo Jehovha uchakuitirai zvose zvakaipa, kusvikira akuparadzai panyika yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.Therefore it shall come to pass, that as all good things are come upon you, which the LORD your God promised you; so shall the LORD bring upon you all evil things, until he have destroyed you from off this good land which the LORD your God hath given you.
Kana mukadarika sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira vamwe vamwari, mukapfugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.When ye have transgressed the covenant of the LORD your God, which he commanded you, and have gone and served other gods, and bowed yourselves to them; then shall the anger of the LORD be kindled against you, and ye shall perish quickly from off the good land which he hath given unto you.